Uncategorized

Roja rodanana nemuridzi wemba

24 Jun, 2016 - 00:06 0 Views

Kwayedza

Gabriel Singano

ROJA rekupomerwa mhosva yekudanana nemuridzi wemba rakapotera kudare redzimhosva richiti raoneswa chitsvuku nemudzimai wa‘‘landlord” nekuda kwenyaya iyi.Maidei Chipfumo akamhan’arira Joyce Matavire kuHarare Civil Court achiti anogara achimutuka nekumutyisidzira kuti anogona kumudzinga pamba.

“Changamire, ndamira pamberi pedare nekuda kwaamai ava vari kugara vachindishungurudza vachiti ndinodanana nemurume wavo. Vakati handikwanise kuenda chero kupi saka ndave kutotya kubuda kana panze.

“Vakatombouya pamusiwo pangu vachipopota zvekuti ndava kutotya kufamba,” akadaro Chipfumo.

Matavire akati Chipfumo aimbobhadhara mari yerendi yemba kwaari asi kubva paakatanga kufambidzana nemurume wake, ave kumupa mari iyi pamwe nekufonerana.

“Kutaura chokwadi mashoko takataudzana nekuti zvinhu zvinogumbura kuti roja rako ripedzisire rave kudanana nemurume wako. Anonditi ndiri pfambi yasamusha (landlord) asi titori nemuchato.

“Musikana uyu akanga ave kutoendera murume wangu kubasa kuti anobhadhara mari yemba saka zvinhu zvinotsamwisa. Ndakazomugugudzira gonhi ndichimuudza kuti tichataudzana chete. Nyaya yedu yakanga yave mumawoko emagweta asi sezvo auya achida gwaro redziviriro mupei. Asi handidi kumuona pamba pangu ari kutoramba kusaina magwaro ekuti abve, kudai dare randibatsira kuti ndozvifambisa sei,” akadaro.

Mutongi Barbra Mateko akapa gwaro redziviriro kuna Chipfumo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey