Ronaldo akapotsa atengwa

13 Nov, 2015 - 00:11 0 Views
Ronaldo akapotsa atengwa

Kwayedza

CRISTIANO Ronaldo akapotsa nepadiki atengwa neArsenal pamwe neLiverpool zvakare – apo aive asati atengwa neManchester United mugore ra2003. Mubhuku idzva rinonzi Cristiano Ronaldo: The Biography, iro rakanyorwa naGuillem Balague mutori wenhau wekuSpain, zvinonzi shasha iyi (Ronaldo) pamwe nemumiriri wake Jorge Mendes vaive muhurukuro nezvikwata zvakasiyana.

Ronaldo aive mutambi wechidiki ainetsa zvikuru mugore ra2003 mushure mekunge apinda muchikwata cheSporting Lisbon uye aidiwa nezvikwata zvakawanda. Sekunyorwa kwazvakaita mubhuku iri, iro riri kuburitswa muThe Telegraph, Balague akati, “Jorge Mendes akakurukura nezvikwata zvakawanda zvemuEurope nezvaCristiano Ronaldo apo aive kuSporting Lisbon. Liverpool yakaedza kumutenga ne8 miriyoni euros”.

Arsenal, sekutaura kwaBalague, yaitungamira pazvikwata zvaida kutenga mutambi wechidiki uyu.
Ronaldo anonzi akaenda kuLondon naamai vake kunoona Arsene Wenger murairidzi weArsenal pamwe nekuitirwa gadziriro nemaGunners.
Balague akanyora kuti, “Taive mumotokari uye Jorge aingofona achindiudza kuti ndisaonekwe nevanhu kuti ndauya kuLondon.

“Takambomira kuti tidire motokari peturu uye iniwo ndaive ndakazvivhara kumeso kwangu. Jorge aingofona papfura kanguva kadiki, ivai makangwarira, ivai makangwarira kuti musaonekwe.

“Cristiano akafarira chikwata ichi nekuda kwezvachakange chamuvimbisa, mafambiro acho uye nekuchengetedza kwachaiita vatambi vechidiki.”
Asi, Arsenal yakazokundikana kuwirirana nechikwata chekuPortugal ichi izvo zvakazotuma Manchester United, iyo yaitungamirwa naAlex Ferguson, kuti imutenge.

MaRed Devils akakwanisa kutenga mutambi uyu nekuti akavimbisa Sporting Lisbon zvinhu zvaibatika pamwe nekuyemurika kukunda izvo zvainge zvavimbiswa nezvimwe zvikwata. — Daily MailOnline

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey