Ronaldo oti haasi kugutsikana

16 Oct, 2015 - 00:10 0 Views

Kwayedza

MUTAMBI weReal Madrid Cristiano Ronaldo svondo rino akabvuma kuti haasi kugutsikana zvisinei nekuhwina kwaakaita mubairo weGolden Boot semutambi akanwiswa zvibodzwa zvakawanda kudarika vamwe mumitambo yeligi remuEurope mwaka wadarika.

“Inguva yakatsanangurika,” chakadaro chizvarwa chekuPortugal ichi icho chine makore 30 okuberekwa pamabiko akaitwa kuMadrid, kuSpain.

“Asi handisi kugutsikana, ndinogara ndichida zvimwe zvakanyanya.

“Ndinoziva kuti ndini ndoga ndakahwinha mubairo uyu kanokwana kana asi ndichiri kuda mimwe mibairo. Ndinoda wechishanu newechitanhatu kana zvichibvira.”

Ronaldo akanwisa zvibodzwa 48 mumitambo 35 yemuSpanish League zvakaita kuti atore mubairo wechitatu weGolden Boot apo aitambira Real Madrid mushure memakore anoti 2011 na2014. Akahwinha mubairo uyu zvakare apo aitambira Manchester United muna 2008.

Hapana mumwe mutambi ati atora mubairo uyu kanokwana kana.

Mutambi weArgentina, Lionel Messi, akanwisa zvibodzwa 43 achitambira Barcelona zvakaita kuti ave wechipiri mwaka wadarika, akahwinha mubairo weGolden Boot uyu kakatu muna 2010, 2012 na2013.

Zvisinei, Messi ndiye mutambi oga akwanisa kuhwinawo mubairo mukuru weBallon d’Or wekutamba nhabvu inodakadza muEurope kanokwana kana, uyo wakahwinhawo naRonaldo katatu.

“Real Madrid chikwata chinofanirwa kuhwinha mikombe gore rega-rega. Mwaka uno zvakangofanana, tiri kuda kuhwinha mukombe weChampionsLeague kana zvichibvira pamwe neweCup,” akadaro Ronald. — AFP

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey