Uncategorized

SABHUKU AKADZIPWA NENYAMA PARUFU…‘Handichafa ndakadya futi panhamo’

20 Dec, 2019 - 00:12 0 Views
SABHUKU AKADZIPWA  NENYAMA PARUFU…‘Handichafa ndakadya futi panhamo’ Sabhuku Dladla

Kwayedza

Hazel Marimbidza

KWAKAITIKA bhaisikopo remahara kuNyamandlovu mazuva mashoma adarika apo mumwe sabhuku weko akarwa nevanhu vemubhuku rake achivapomera mhosva yekumuroya mushure mekunge adzipwa nenyama parufu zvikamuita kuti apedze mazuva matatu asina izwi.

VaRichard Dladla (82) vanoti izvi zvakaitika nekuda kweshanje dzevanhu maererano nechigaro chavainacho.

“Handinzwisisi kuti nyama iyi yakandidzipa sei nekuti ndaidya zvakadzikama uye ndakanga ndakagara zvakanaka sezvakanga zvakangoitawo vamwe.

“Zvakandirwadza nekuti nyama iyi yairamba kumedzeka kana kubuda pahuro pangu zvikazoita kuti ndimhanyiswe kuchipatara. Izvi zvakakonzerwa nekuroyiwa nevanhu vanogara mudunhu mangu,” vanodaro Sabhuku Dladla.

Vanoti izvi zvakaita kuti vamboshoshomera izwi ravo kwemazuva uye nanhasi pahuro pavo pachiri kuvarwadza.

“Ndanga ndisingakwanisi kutaura kwemazuva matatu ose adarika kubva pakasvotorwa nyama iyi kubva pahuro pangu uye pari zvino pahuro apa pachiri kurwadza. Ndichiri kunetseka pakutaura sezvamunongonzwawo,” vanodaro.

Vamwe vari kuziva nezvenyaya iyi vanoti vanhu vemubhuku raSabhuku Dladla vava kugara vachitya sabhuku wavo uyo anonzi ava kufamba achipomera nekurwisana nevamwe vaari kufungidzira kuti ndivo vakakonzeresa kuti adzipwe nenyama parufu.

“Pane vemubhuku make vaanorova achivati vakakonzeresa kuti adzipwe nenyama. Iyi haisi mhosva yevanhu nekuti pamwe havana kunyatsotsenga kana kuti vaidya nekukasira,” anodaro mumwe wevemubhuku umu uyo anoti haadi kuzivikanwa nekutya.

Zvichakadai, Sabhuku Dladla vanoti havachafa vakadya zvakare chikafu cheparufu.

“Sezvo ndava kuziva kuti vanhu vemuno vanoda kundiuraya, handichafa ndakadya futi parufu. Kubva pandakamboshaya izwi rangu, utano hwangu huri kudzikira. Handifunge kuti ndichazowirirana zvakare nevanhu vemubhuku mangu,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey