Uncategorized

Sabhuku akapihwa ‘red card’

24 Feb, 2022 - 16:02 0 Views
Sabhuku akapihwa ‘red card’

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

SABHUKU wekwaMambo Nyajina, kuUzumba anonzi apata musha achinogara neshamwari muguta reHarare mushure mekupihwa gupuro re$5 nemudzimai wake uyo ari kumupomera kusavimbika muwanano.

Mai Mavis Maambirwi (41) vanotoganza kuti vakapa gupuro iri kumurume wavo Sabhuku Tirivanhu Nhakiwa (53) makore maviri adarika.

Kubva ipapo, sabhuku ava vanonzi vakabva vapata musha vachisiya mudzimai nevana.
“Ini ndiri chizvarwa chekuBuhera kwaNyashanu muWard 18, asi ndakatanga kugara nasabhuku ava mugore ra2001 vachibva vazoenda kunobvisa roora muna2019. Vakaendesa mombe mbiri dzekunongedza neUS$200 bedzi.

“Pese apa vaingogara neni vasingazive kana musuwo wekumusha kwandakaberekwa. Takaita vana vatatu tichigara zvakanaka asi nhamo yakazouya pavakatanga kuita zvegumbo mumba, gumbo panze zvekusvika pakudanana nemadzimai manomwe andaiziva, tisingaverengi vandisingazivi.

“Hameno kuti simba racho vanoriwana kupi?” vanodaro.

Mavis Maambirwi

Mai Maambirwi vanoti mushure mekubata katsika kemurume wavo, vakabva vaenda kuchipatara uko vakanovhenekwa ndokuwanikwa vasina HIV.

“Mushure meizvi, takapangwa mazano nemachiremba tikafundiswa nzira dzekuzvidzivirira asi chakandirwadza ndechekuti Sabhuku Nhakiwa havana kufara nazvo. Vaitsemura kondomu ini ndichifunga kuti ndakachengetedzeka pakurera mhuri,” vanodaro.

Mai Maambirwi vanoti kuburikidza nekushungurudzwa nenzira yebonde iyi, havana kunomhan’ara kumapurisa asi vakangokwanisa kupa murume wavo gupuro.

“Kuburikidza nekushungurudzwa ikoku, ndakaita vamwe vana vatatu kureva kuti iko zvino ndava nevatanhatu. Ndinotenda kuti ini nevana vangu takachena, hatina hutachiona,” vanodaro.

Mai Maambirwi vanoti mushure mekuona zvaiitika, murume wavo vakamupa mvumo yekuti aroore mumwe mudzimai.

“Ini ndakasiyana nemamwe madzimai anorambidza murume kuita zvaanoda. Saka ndakamusunungura ndikamuti pamusha pane hobho zvidhinha unokwanisa kuvaka wounza mumwe mudzimai, wosiyana nezvangu ini ndozvigarira nevana vangu.

“Asi haana kuda kuzvitevedza, aingoda zvekusasana neshamwarikadzi dzake achidzoka kwandiri zvinova zvandakaramba ndikati hero gupuro achibva angofuma achipata musha kusvika nanhasi uno.

“Anotouya pamusha ipapo achiita zvekuhwanda, senge svondo radarika pandakaenda kumusha kwevabereki vangu kuBuhera, ndakanzwa kuti akangosvika kwenguva diki achibva aenda. Kutaura kuno paanogara handipazive asi ndinongonzwa kuti ari muHarare uye dzimwe hama dzake ndidzo dziri kumubatsira pakumuhwandisa kubva kwandiri,” vanodaro.

Vanoti mushure mekupa murume wavo gupuro, vakabva vanoudza vanavamwene vavo avo vakauya vari vanomwe muzuva rakatevera vachiyedza kuvayananisa.

“Pavakauya, vakandibvunza kuti ichokwadi here kuti wapa murume gupuro ndikangovapindura kuti hongu nekuti handaida kunyadzisa murume wangu nekumufumura mabasa ake.”

Mai Maambirwi vanoti pari zvino ndivo vari kuriritira mhuri uye vakatombomhan’arira murume wavo kudare kuti abhadhare mendenenzi asi hapana chiri kubuda.

Vanotiwo murume wavo ari kufamba achisvibisa zita ravo achivapomera kuita chipfambi.
Nyaya iyi inonzi yakamboenda kudare raMambo Nyajina asi Mai Maambirwi vanoti havana kuenda kudare iri sezvo vaive vasingade kufumura murume wavo.

“Kutaura kudai ndava kubatsira madzimai akawanda munharaunda ndichivapanga mazano kuti kana wanano isingaite, zvakakosha kutiza neupenyu pane kufira kuti unzi mai nhingi. Hazvirevi kuti ndiri kuda kuti vasiyane nevarume vavo seni, kwete.

“Isarudzo yemunhu kugara muwanano kana kubuda. Ndinotendawo zvidzidziso zvatinowaniswa munharaunda medu nevatsigiri vakasiyana izvo zvakandivhura pfungwa kuti ndizive musiyano werudo nekudzvanyirirwa,” vanodaro. Zvisinei, Sabhuku Nhakiwa havana kukwanisa kubatika panhare kuti vape divi ravo panyaya iyi.

Kwayedza yakazofonera amai vaMai Maambirwi, Mbuya Hilda Katukwa avo vanotsinhira kuti mwana wavo akapa murume gupuro.

“Ichokwadi mwana wangu akatiudza kuti akapira murume wake gupuro vari mubhedhuru zvikaita kuti apate musha saka ndiye akasara pamusha nevana. Zvinhu zvinowanikwa muupenyu, dzimba dzinonetsa idzi kana iyesu tachemberera mudzimba munoti mune rugare here?

“Handiti kungoshingirirawo! Kuti mwana wangu ndiye oga atanga nazvo here? Vakawanda vari kuita izvozvo,” vanodaro.

Sekuru Peter Maponda vanova nyanzvi munyaya dzezvechivanhu vanoti gupuro imari diki inobviswa pakati pevanhu vari murudo semucherechedzo wekuti vava kubuda murudo uye rinogona kubviswa nemudzimai kana murume asi zvichiitwa pajekerere vehukama varipo, kwete zvekupanana muchivande semubhedhuru.

“Kana mudzimai achinge apihwa gupuro anoperekedzwa kumusha kwake asi kashoma kuti murume apihwe gupuro obva abviswa mumusha make. Izvi zvinoshamisa zvikuru, sabhuku ava pamwe vakaratidza kupererwa kana kuti nyadzi dzakavakundawo.

“Zvinonetsa kuti kana vanhu vapanana gupuro voramba vachigarisana kana kusangana pachivanze chimwe chete nekuti vanogona kuzokuvadzana sezvo mweya weruvengo unoramba wakaita chiname sevanhu vaimbova murudo,” vanodaro

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey