Saimba azoti tuzu mudare anyepa

05 Oct, 2023 - 09:10 0 Views
Saimba azoti tuzu mudare anyepa Dare

Kwayedza

Phillipa Mukome-Chinhoi

MURUME wekuzama noto kunzvenga kubhadhara mendenenzi yemwana wake achiti haachaenda kubasa akazoti tuzu mudare mushure mekunge mudzimai wake aburitsa umboo hunoratidza kuti anoshanda.

Thabeth Petro akaendesa Godfrey Matnia kudare reHarare Civil Court achida kuti mari yemendenenzi yaari kubvisa iwedzerwe kubva paUS$60 pamwedzi kuenda paUS$150.

Petro anoti Matnia haana hanya zvachose nekuriritira mwana wake.

“Mwana anoda mbatya, chikafu nekubhadharirwa mari yekuchikoro uye kuchikoro kwacho anoda kurongedzerwa zvekunodya ikoko. Ukavabvunza kuti mari yemwana inouya rinhi vanongovimbisa kuti ndichauya, vasingazouyi,” anodaro.

Achipawo divi rake, Matnia anoti ane imwe mhuri yakakura izvo zviri kumutadzisa kuriritira zvakanaka mwana uyu.

Anoti dangwe rake rave kuyunivhesiti, kozouya mumwe ane makore makumi matatu okuberekwa achiri kudawo kuchengetwa.

“Ndaikumbirawo kuti dai mari yacho yatoderedzwa nekuti handisi kuenda kubasa uye tanga tisiri kupihwa mari kubvira munaNdira asi zhinji yatakazobhadharwa ndakamupa yese,” anodaro Matnia.

Petro anopikisana nemashoko aya achiti Matnia anonyepa kuti haachaendi kubasa pamusaka pekusada kuchengeta mwana wake.

“Chiri kundishamisa ndechekuti achiripo pabasa pacho uye ari kugara muimba yebasa nemumwe mukadzi. Mumwe musi ndakamubvunza akanditi haarambidzwe kugara nemukadzi kana pfambi yaanenge achida, saka kana achikwanisa kuita zvakadai chinomutadzisa kuchengeta mwana chii nekuti vanhu hamungangogari musina kana sendi,” anodaro Petro.

Anoenderera mberi achiti: “Anonyepa zvekare kuti mari inobva kune hanzvadzi yake, ndikavabvunza tete vanoti havazvizive zvemari izvi. Baba ava idzi inzira dzokuda kusimbisa kuti kubasa hakuna peyi yavari kuwana ivo vachiwana.”

Mutongi Ayanda Dhlamini akati Matnia abhadhare US$70 pamwedzi yekuchengeta mwana wake pamwe nekubvisa mari yechikoro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey