Uncategorized

Sangano robatsira mapatya

11 May, 2021 - 15:05 0 Views
Sangano robatsira mapatya Nvette (kuruboshwe) naYvette

Kwayedza

Kingstone Mapupu
SANGANO rinobatsira mapatya munyika reTwins Association of Zimbabwe (TAZI) rosimudzira raramo yavo kuburikidza nekuvatsigira mumabhindauko emaoko anosanganisira kupfuya huku panguva ino apo nyika yakatarisana nekurwisana nekupararira kwechirwere cheCovid-19.
 Sangano iri rinotungamirirwa nemapatya anoti Farai naTendai Katonha (34) avowo vakaroora mapatya emhuri imwe chete.
Mudzimai waTendai ndiNvette Katonha uye waFarai ndiYvette Katonha.
“Isu takazoroorwa sangano remapatya iri raumbwa kare nevarume vedu ndokusvikotanga kushanda tose. Kubva mulockdown yegore rakapera kusvika izvozvi, tiri kubatsira mapatya kunzvimbo dzakasiyana dzenyika nekuvapa huku nechikafu chacho kusvikira vave kudzitengesa tovarumura. Mari yavanenge vatengesa vanozoramba vave kuitenderedza vachitenga dzimwe nekuita zvakasiyana,” vanodaro Mai Nvette Katonha.
Vanoti vanopinda chechi yeMethodist, uko vakachatira, asi havasarudze mapatya avanobatsira.
“Donzvo resangano redu kusimudzira mararamiro emapatya sezvo upenyu hwavo huchigara hwakaoma, kubvira pakuberekwa kwavo vabereki vanoomerwa. Saka tiri kusimudzira hupenyu hwavo, zvikuru munguva ino yekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19. Vamwe vavo vakaburitswa mabasa uye vamwewo vagara vasingashande nekudaro matambudziko avo ari kuwedzerwa nekuvepo kwechirwere ichi,” vanodaro Mai Nvette Katonha.
Vanoenderera mberi vachiti, “Kune mapatya vanoda kubatsirwa mune zvakasiyana tinovakurudzira kuti varidze nhare panhamba dzinoti 0732 814 851 kana 0732 814 850. Tine hurongwa zvakare hwekuti tibatane nemamwe masangano nechinangwa chekusimudzira hupenyu hwemapatya nekuvadzidzisa mabasa emaoko anosanganisira kunama simbi, kuveza nekuvaka.”
Mashoko avo anotsinhirwa naMai Yvette Katonha vachiti kubva kumavambo egore rakapera kusvika izvozvi, vabatsira zvikwata zvemapatya anokwana gumi nevaviri.
“Tine zvikwata zvemapatya anokwana 12 atabatsira nehuku dzinodarika 1 200 dzemabroilers nedzemazai dzekupfuya. Vatakabatsira vanosanganisira vari kuChitungwiza, Glen View, Bindura, Mutoko, Mutare neMarondera. Izvozvi takatarisana nekuenda kuMt Darwin, Mvurwi nekumwe kwakasiyana,” vanodaro.
 Vanoti kune vana mapatya nemanyatatu vanofirwa nanaamai vachangoberekwa avo vari kutengera mukaka, dovi nembatya dzekupfeka uye nekuona kuti vaenda kuzvipatara kunobatsirwa nemachiremba panguva yakakodzera.
“Vabereki vanofirwa zvakare nevana mapatya tinoramba tichivabatsira tozovarumura tave kuona kuti vasvika pari nani,” vanodaro Mai Yvette Katonha.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey