Sapurazi akafugurwa hapwa mudare

23 Oct, 2015 - 00:10 0 Views
Sapurazi akafugurwa hapwa mudare

Kwayedza

Cassius Mushore
SAMUSHA vekuda kunzvenga kubhadhara mari yemendenenzi achiti haashande asi kuti anorarama nemaricho ekudiridza mabindu evanhu mushure mekuendeswa kudare neaimbove mudzimai wake akazofugurwa hapwa apo akanzi ndimuzvinhabhimisi ane purazi. Rutendo Dirau akaendesa aimbova murume wake Thomas Befura kuHarare Civil Court achida mari yekuchengeta mwana.

“Ndinoda $70 yekuchengeta mwana. Mari iyi ndichaishandisa kutenga chikafu, zvipfeko, kuendesa mwana kuchikoro nekumurapisa.
“Murume uyu anonyepa kuti anoita zvekudiridza magadheni asi iye achiita zvekugadzira motokari achiwana $600 pamwedzi. Kutaura kuno ane kondirakiti yaari kuita yeBakers Inn iri kutomupa mari uye ane purazi kumusha kwavo kwaZvimba, kuZowa,” akadaro Dirau.

Befura akaramba mari yainge yarehwa nemukadzi wake achiti yakamuwandira achitarisa basa raanoshanda. “Ini ndinoita bhindauko rekudiridza magadheni, ndizvo zvega zvinondiraramisa saka ndinokwanisa kubhadhara $20. Pari zvino ndinotori neimwe mhuri yandiri kuchengeta vanenge vakatotarisirawo kamari kemagadheni ikako.

“Handisi makanika, ndinongoswerawo panenge pachigadzirwa motokari ndichingotambidza zvipanera chete. Purazi harisi rangu, nderababa vangu uye hapana mari yandinowana pariri,” akadaro Befura
Mutongi Audrey Tarugarira akati nyaya yevaviri ava idzokezve mudare.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey