Uncategorized

Sarudzo dzeNorton: Nguva yekunzvera

28 Oct, 2016 - 00:10 0 Views
Sarudzo dzeNorton: Nguva yekunzvera

Kwayedza

KUPERA kwesvondo rapfuura pane sarudzo dzokutsvaga nhengo yeParamende inomirira Norton (by-election), dzakaitwa. Zvakabuda musarudzo idzi zvave kuzivikanwa, kuti VaThemba Mliswa, nhengo yakakwikwidza yakazvimiririra ndivo vakakunda (nemavhoti 8 927), vachiteverwa nenhengo yeZanu-PF, Cde Ronald Chindedza avo vakawana mavhoti 6 129, naVaDavid Choga veNational Consultative Assembly vakawana mavhoti 88.

Ngatinokorei ivhu kuby-election yeNorton tichida kuona kuti kune dzimwe sarudzo dziri kutevera kuChimanimani neBikita West, zvinobuda imomo zvinenge zvakamira sei, uyewo kuti bato riri kutonga reZanu-PF chii charingaita kugadzirira zvakakwana maby-election ari kuuya aya, nekuti zvii zvavangadzidza mukugadzirira sarudzo dzokusarudza mutungamiri wenyika, nhengo dzeParamende nevemakanzuru muna2018.

Kubva muna 2013, kune maby-election akati wandei akaitwa, asi Norton rakave iro dunhu rokutanga kuti bato riri kutonga rikundwe.

Chii chakaitika, uye chii chingaitwa kuti zvisapamhwe zvakare? Mukwende achiverenga nokunzwa zvakataurwa naVaMliswa, anoona kuti ndimo mune dzimwe dzemhinduro dzokugadzirisa zvakaitika, nezvichauya.

VaMliswa vanoti vakadzingwa kuve sachigaro weMashonaland West, vasati vazodzingwa zvachose mubato reZanu-PF, kudzingwa kwavanoti kwakange kusina tsarukano: “I felt I was unfairly expelled from Zanu-PF.”

Vakaenderera mberi vachiti ivo munhu wokumaruwa, saka vakatora mukana wamakakatanwa ari muZanu-PF, okuti vamwe vanozviti ndevokwangana, vamwewo vachiti ndevokwanhingi, zvinove zvinhu zviri kupinza zinyeke-nyeke muZanu-PF.

VaMliswa vanopa Zanu-PF yambiro yokunge vachiri nhengo: “I am a rural person and I simply maximised on the in-house fighting in Zanu-PF. How can I fail to win against a party whose political commissar is always firing people, instead of recruiting? This is a message to Zanu-PF that if you don’t deal with your manifesto, and concentrate on in-fighting, people will speak out like they did in Norton.”

Akubaira zanhi ndewako, nokuti VaMliswa vanotaura kunge munhu ari kurwadziwa kuti bato riri kutonga harisi kuziva kuti pane zvimwe zvinosvitsa kuna taisireva here, kunyanya panguva ino sarudzo dza2018 dzadongorera.

Chekutanga ndechokuti rutsigiro rwakakura kubva muna 1980, rwunobva kuvagari vokumaruwa. Ava vanhu vakanzwisisa kubva panguva yehondo zvinoreva kutevedza gwara remusangano, zvokuti kusvika pari nhasi vanhu vane gwara.

Vakada munhu wavada, imi mozouya mave kuti uyu ndiye anofanirwa kuvhoterwa, vanongoita kunge vanobvumirana nemi, asi vachiziva kuti wasvika musi wesarudzo, zviri mumwoyo rwendo rwembwa.

Vanhuwo zvakare vanokoshesa kutsigira munhu wavanoziva, munhu wavajairana naye, ari munhu ane zvinobatika zvaanenge akavaitira. Izvi zvokunzi idai ngana (imposition of candidates), ndipo pavanoita murambamhuru.

Saka iyi yaive yambiro yokuti musamanikidzire vanhu kushanda nemunhu wavasingadi, munhu wavasinganyatsoziva. Pakuvhota, vanokunyadzisai!

Munyori mukuru webato variwo zvakare mutungamiri weZanu-PF Cde Mugabe, dai izwi raishoshoma vachitaura nyaya yokubatana, dai rakashoshoma nokuti kubatana ndiwo musimboti wokukunda musarudzo nebudiriro munyika. Cde Mugabe vanoramba zvokupatsanura vanhu nokuti hazvina pundutso. Mhedzisiro kuchema kuti zvauya sei sezvakaitika kuNorton, asika ndambakuudzwa akaonekwa ane mbonje pahuma. Kunyange zvake Mliswa aitaura achipa mhosva kunapolitical commissar, vatungamiri nevateveri veZanu-PF ngavazivewo zvakare kuti pazvinhanho zvakasiyana-siyana (cell, branch, district neprovince) pane mapolitical commissar, kwozoita mukuru wavo anobata bato rese.

Political commissar ane basa rakakura, saka paNorton zvichienda mberi, vanosungirwa kuonekwa sehuku inovhumbamira nhiyo dzayo. Pakaita mwana arasa gwara, asati anzi famba-famba, ngazvive pachena kuti mwana uyu ange achiziva gwara romusangano zvizere.

Mukwende haasi kunzwisisa kuti sei Mliswa aitaurira Zanu-PF zvinhu zvinoda kugadziriswa tisati tasvika muna 2018. Kunyange zvake achimbotukirira, apa ngapaonekwe kuti pagadziriswa sarudzo dzeChimanimani neBikita West dzisati dzasvika.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey