Uncategorized

Sekuru vafa nemoto

24 Aug, 2022 - 17:08 0 Views
Sekuru vafa nemoto Moto wesango

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

SEKURU vane makore 80 ekuberekwa yekuBanket vakafa mushure mekutsva nemoto wesango apo vaibva kubasa munguva dzemanheru.

Njodzi iyi yakaitika nemusi 19 Nyamavhuvhu apo Sekuru Sakatiza Mariza vekuPlumstead Farm, avo vaishanda semurindi papurazi riri padyo reSt John’s Farm, vakatsva nemoto wesango panguva iyo vaibva kubasa vachienda kumba kwavo.

Sekuru ava vanonzi vaifamba mumugwagwa apo vakangoerekana vaputirwa nerimi remoto.
Vanonzi vakazama kumhanya vachida kutiza asi vakakundikana sezvo vakapiswa nemoto uyu.
Moto uyu unonzi pawakange wave kubvira zvishoma nezvishoma, mumwe murume – Isaiah Mutero (66) – wekuPlot 4 Plumstead Farm, uyo aityaira motokari yake achipfuura nepaSt John Plumstead Farm, akazoona mutumbi uyu achibva azivisa veruzhinji.

Pavanhu vakauya kuzoona mutumbi uyu, pakati pavo paive nemwana wemushakabvu, Costa Mariza (34), uyo akakwanisa kuziva kuti waive wababa vake kuburikidza nenharembozha iyo yakange yatsva necheparutivi yaive padyo nemutumbi uyu.
Mutero akanozivisa mapurisa ekuBanket Police Station avo vakazoendendesa mutumbi uyu kumochari yekuBanket District Hospital.

Amkela Sidange

Vanachiremba vakavhenekwa mutumbi uyu uye hapana fungidziro yakaipa yakaonekwa.
Environmental Management Agency (EMA) inogaroshora vanhu vari kutanga moto wesangano zvisina tsarukano sezvo zvichikonzera kurasikirwa kweupenyu hwevanhu, mhuka uye kuparadzwa kwezviwanikwa izvo zvinodzorera kumashure budiriro yenyika.

Mai Amkela Sidange vanova environmental education and publicity manager kuEMA vanotsinhira kufa kwaSekuru Mariza mushure mekupiswa nemoto wesango.

“Kune moto wesango wakaitika kuWard 34 kwaZvimba nemusi wa19 mwedzi uno uye pakaitwa ongororo yakaratidza kuti wakapisa minda mina inoti: Ngwarati, St Johns, Makwidiba nePlumstead Farm. Tichiri kuita ongororo yekuona kuti moto uyu wakakonzerwa nei.

“Asi takaona zvekare kuti munzvimbo umu varimi vazhinji havana hwaro hunodzivirira moto kuti usapinda muminda nemumidziyo yavo (fireguards). Munhu mumwe chete akarasikirwa neupenyu nekuda kwemoto wesango uyu anova murume apo akapiswa achibva kuSt Johns uye aishanda paPlumstead Farm,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey