Shamwarikadzi yakafira $2

31 Mar, 2016 - 00:03 0 Views
Shamwarikadzi yakafira $2 Mai Kumurai Tirivavi

Kwayedza

Mai Kumurai Tirivavi

Mai Kumurai Tirivavi

PANE mukomana wekwaMurambinda, kuBuhera, akasungwa nemapurisa eko achipomerwa kuponda shamwarikadzi yake iyo yaakange atora mune rimwe bhawa mushure mekunge vakakavadzana nekuda kwemuripo waaive abhadhara pakusasana kwavakaita vose.

Given Ngqabutho Nyoni (19), wemumusha waChikwekwete, kwaShe Makumbe, akasungwa nemhosva yekuponda aiva shamwarikadzi iyo yakangozivikanwa nekuti Agnes (20).

Mutauriri wemapurisa kudunhu reManicaland, Inspector Tavhiringwa Kakohwa, vanotsinhira nezvekusungwa kwaNyoni vachiti:

“Tine mukomana wekwaShe Makumbe, kuBuhera, watakasunga nenyaya yaari kupomerwa yekuponda musikana uyo akatora mubhawa nenguva dzekuma 1 mambakwedza. Nyoni akapfimba musikana uyu ari mubhawa ndokubvumirana apo vakabuda mubhawa ndokunoita zvavakaita musango uko akamupa $2 semuripo.

“Mukomana uyu anonzi haana kugutsikana nezvaakawaniswa nemusikana ndokuzoda kubvuta mari yaaiva amupa.”

Vanoti musikana uyu akazoedza kutiza nemari iyi apo Nyoni anonzi akanhonga bhodhoro redoro rainge risina chinhu ndokumutema pamhanza achibva adonhera pasi ndokukuvara zvikuru iye ndokutiza.

Shamwarikadzi iyi inonzi yakazobuda ropa zvikuru ndokuzomuka ikaenda kunomhan’ara nyaya iyi kumapurisa ekwaMurambinda.

Akaendeswa kuchipatara cheMurambinda kunze kwonoedza uko akadarikidzwa kuchipatara cheMutare asi ndokushaikira munzira.

Insp Kakohwa vanokurudzira veruzhinji kuti vagadzirise nyaya dzavo murunyararo kwete kurwisana.

Nyoni anonzi anobva kuMatopo, kuBulawayo, uye aigara kuBuhera nasekuru vake baba vaamai, VaChakanyuka Chikwekwete (67).

VaChakanyuka vanoti havana neromuromo nekuda kwenyaya iyi.

“Muzukuru wangu uyu ndini ndakamuendesa kuchikoro pano akapedza Form 4 mugore ra2014. Akazotanga kupinda mutaundishipi umu achiita zvekutakurira vanhu zvinhu nengoro achiita mari yake.

“Munongoziva vana vemazuva ano, akatangawo kunwa doro, ndakazongoerekana pano paakuuya mapurisa vachiti mwana wenyu aponda musikana.

“Ariko kwaakasungwa achapindawo kumatare ikoko nemhosva yake. Asi ndaisatarisira kuti adaro nekuti baba vake vakashaya kare, vaiva mukuwasha wangu ainzi Themba Nyoni,” vanodaro.

Vanoti mwana uyu akauya vachitanga kumuchengeta ari Grade 6 kusvika izvozvi.

“Varovana kudaro, musikana uyu akaendeswa muzvipatara kusvika afa. Hama dzemufi dzakazotakura mutumbi kuenda nawo kuHarare ini sasekuru, ndikaendawo tikanoviga mufi uyu kumakuva ekuChitungwiza.

“Madzisekuru emufi ndivo vaida chiredzwa kwandiri chekuchengeta kwavakaita musikana wekupondwa asi vanababa vemufi vakazviramba vakati vaizotaurirana pamhosva yakaparwa nemuzukuru wangu.”

Vanoti vachadzokera kuHarare kunoonana nehama dzemusikana akapondwa uyu vonzwa kuti vangataurirane kusvika papi.

“Uyu muzukuru wangu ariko kwaakachengetwa nemhosva yake, asi pachivanhu isu tasara kuno kunze munyaya dzengozi tinofanirwa kutaurirana kunyange uyo achawana murango wake. Hama dzemuzukuru wangu takadzizivisa,” vanodaro.

Maiguru vaNyoni, Kumurai Tirivavi ((40), vanoti nyaya iyi iri kunetsa kuitambira.

“Given akaberekwa vari vaviri nekahanzvadzi kake kadiki kari kupuraimari. Ini ndakazongonzwa kuti asungwa aponda musikana, ndikabva kwandakaroorwa kuuya kuno,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey