Sharapova ofemeswa moto

22 Jul, 2016 - 00:07 0 Views

Kwayedza

SHASHA yemutambo wetenesi yekuRussia, Maria Sharapova (29), achakundikana kukwikwidza kumutambo weRio Olympics mwedzi unotevera mushure mekunge nyaya yaari kurwira kuti ishandurwe neInternational Tennis Federation yakanzi ichazonzwikwa muna Gunyana. Mutambi uyu akawanikwa kuti aitora mushonga wemeldonium usingatenderwe muna Ndira gore rino, uye aitarisira kuti dare reArbitration rezvemitambo rinzwe nyaya yake musi wa18 Chikunguru paidomwa zvikwata zvichazokwikwidza kuRio.

Asi apo veITF naSharapova vose vari kuda nguva yakakura yekugadzirira kuongorora nyaya iyi, CAS yakazivisa kuti ichapa mutongo wayo musi wa19 Gunyana, mwedzi mumwe chete maOlympics apera uye svondo rimwe chete mutambo weUS open grand slam wapera.

Sharapova, uyo akahwina mikombe yeGrand Slam kashanu nemenduru yesirivha kuLondon 2012, akatemerwa zvirango zvekusakwikwidza mumutambo uyu kwemakore maviri neITF muna Chikumi.

Akapikisa kuti aishandisa mushonga uyu unorapa zvirwere zvemwoyo mushure mekunge akurudzirwa nachiremba wake uye aisazviziva kuti sangano reWorld Anti-Doping Agency rainge rataura kuti hautenderwe kushandisa.

Asi boka raiongorora nyaya iyi rakazviramba ndokuti meldonium yakatarwa pamishonga isingatenderwe kutora mugore ra2015 uye vatambi vaigara vachiyambirwa kuti vasiyane nawo, vasautore.

Sangano iri harina kufadzwa nekuvanzwa kwaiitwa naSharapova achitora mushonga uyu uyo unowanzoshandiswa kuEastern Europe asi hausati watenderwa kutengeswa kune dzimwe nyika.

Mutambi uyu, uyo anotambira mari zhinji, akachema-chema nemutongo waakapihwa naITF ndokukumbira CAS kuti uderedzwe kana kuubvisa zvachose. Sharapova ndiye mutambi mukuru kubatwa munyaya dzevari kushandisa meldonium, pane vamwe 172 vabatwa gore rino kusvika parizvino vachishandisa mushonga uyu. — Daily Mail Tennis

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey