Shasha 3 dzemujaho dzazviita zvekare

29 Jun, 2023 - 19:06 0 Views
Shasha 3 dzemujaho dzazviita zvekare Elijah Mabhunu (kubva kuruboshwe) uyo akapedza ari pechipiri mumujaho weTanganda Half Marathon, Tendai Tagara mutungamiriri weNAAZ, Moses Tarakinyu, Sharon Nyasha Kodzanai weTanganda Tea Company naBlessing Wayisoni akapedza ari pechitatu

Kwayedza

Abel Ndooka

SHANGWITI dzemukumhanya dzinoti Moses Tarakinyu, Olivia Chitate naWellington Varevi svondo radarika vakarambira nemikombe yavo apo vakahwina zvekare mujaho weTanganda Half Marathon mumakwikwi akaitirwa kwaMutare.

Tarakinyu akahwinha wevarume apo Chitate akahwina wemadzimai mumujaho we21km uye Varevi akakunda mumakwikwi ekumhanya 10km.

Mumujaho mukuru we21km, Tarakinyu akapedza ari pamberi pedzimwe shasha dzemarathon dzinosanganisira Elijah Mabhunu naBlessing Wayisoni.

Nerimwewo divi, Chitate akasiyawo nyanzvi dzinosanganisira Ethel Pangiso naPatience Murove.

Mujaho we10km wemadzimai gore rino wakahwiniwa naNivea Magonzo.

Tarakinyu, Chitate naVarevi ndivo vakahwina mujaho uyu gore radarika apo wakadzoka zvichitevera kumiswa kwawainge wamboitwa nekuda kwedenda reCovid-19.

Achitaura abva kuhwina mujaho we21km, Tarakinyu anoti zvinofadza zvikuru kuhwina kwaakaita sezvo mujaho uyu uri umwe yeinoshandiswa kusarudza anozoenda kunomirira nyika kuWorld Half Marathon.

Gore rino, mujaho weWorld Half Marathon uchaitirwa kuLatvia.

“Handina neremuromo nekuhwina kwandaita, zvinorakidza kuti kushanda nesimba kwandange ndichiita kwabhadhara.

“Rwendo rwangu kuuya kuno rwange rusiri nyore nekurwara kwandakamboita, asi ndine mufaro nekuhwina kwandaita. Iye zvino ndave kutarisira kuenda kuLatvia kuWorld Half Marathon.

“Ndave kutotanga kuita gadziriro dzangu dzekuti ndiende kuLatvia uye ndichanzwa kubva kuNAAZ kuti vakaronga zvipi,” anodaro Tarakinyu.

Kuchiti Varevi – uyo akahwina mumakwikwi ekumhanya 10km – anoti mujaho uyu wave wake zvichitevera kukwanisa kuuchengetedza kwaakaita gore rino.

“Uyu wave mujaho wangu, aka ndekechipiri ndichiuhwina zvichitevera kuhwina kwandakaita gore radarika. Gore rinotevera, zvikafamba zvakanaka ndinogona kudzoka zvekare kuzouhwina zvekare,” anodaro Varevi.

Mumujaho wewiricheya, uyo wakaitwa svondo radarika, Samson Muroyiwa ndiye akahwina mujaho mukuru we21km wevarume achibvutira mukombe uyu kubva kuna Elford Moyo uyo ange ave nemakore achingouhwina. Nerimwewo divi, mujaho wewiricheya wemadzimai wakahwinwa naStellah Jongwe uyo ari kusimukira zvikuru mumakwikwi aya.

Moyo paakakundwa akakorokotedza Muroyiwa achiti: “Ndinoti makorokoto kuna Muroyiwa akwanisawo kuhwina gore rino. Ini ndakurawo manje saka yave nguva yekuti tichisirawo vechidiki.”

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey