Streak orangarirwa

07 Sep, 2023 - 15:09 0 Views
Streak orangarirwa Heath Streak

Kwayedza

Abel Ndooka

SHASHA yakambonetsa ichitambira maChevrons ndokuzorairidza chikwata ichi – mushakabvu Heath Hilton Streak – acharangarirwa nemusi weChishanu chino apo mhuri yecricket ichaungana kuBulawayo ichidzora ndangariro.

Streak akashaya nemusi weSvondo wadarika mushure mekurwara negomarara kwenguva refu.

Aive shasha yecricket munyika izvo zvakamuona achitungamira chikwata chemaChevrons ari kaputeni ndokuzochirairidza pamwe nekuita mabasa akasiyana ekusimudzira mutambo uyu.

Apo vatsigiri vecricket vari kuchema zvichitevera kushaika kwake, mhuri yaStreak yakakoka veruzhinji kuti vauye kuzochema navo nemusi weChishanu apo vachamurangarira.

“Mhuri yaStreak inokukokai mose kuti muuye tizopembera pamwe chete hupenyu hwemurume uyu akabata raramo yevanhu vakawanda.

“Mukurangarira rudo rwaive naStreak kuZimbabwe uye rudo necricket nekuredza hove, madzimai ngavasununguke kupfeka nhumbi dzine ruvara rutsvuku, vatambi vecricket tsvagai majezi ekare eZimbabwe ane ruvara rutsvuku, varedzi vange vakapfeka jezi renyika rine ruvara rutsvuku uye vanoda Zimbabwe nenyika yedu yakanaka – tokumbirawo mupfeke chinhu chimwe chine ruvara rutsvuku,” mhuri yaStreak inodaro.

Sachigaro weZimbabwe Cricket – Tavengwa Mukuhlani – anoti Zimbabwe yakarasikirwa negamba recricket ndokurumbidza Streak semunhu akashanda mukusimudzira mureza wenyika mumutambo uyu.

“Nhasi izuva dema kuZimbabwe uye rekusuwa kukuru kumhuri yecricket apo tiri kuchema gamba remutambo wedu watinodisisa uyu. Panguva imwe chete, tichipemberera zvatakapihwa naStreak, aitamba nemwoyo wese nesimba uye aishanda zvakasimba kusimudzira mutambo uyu nemureza wenyika nezvimwe zvakawanda.

“Ndakamirira ZC, tinochema Streak pamwe chete nemhuri yake nemudzimai wake Nadine, shamwari dzake uye mhuri yese yecricket nekushaika kwaita gamba remutambo uyu,” anodaro Tavengwa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey