‘sungai dzisimbe’…DeMbare taimirira – Antipas -Hatifambire pasina: Muzadzi

25 Sep, 2015 - 01:09 0 Views
‘sungai dzisimbe’…DeMbare taimirira – Antipas -Hatifambire pasina: Muzadzi

Kwayedza

Abel Ndooka
MURAIRIDZI weChicken Inn, Joey “Mafero” Antipas, anoti mutambo wavo weCastle Lager Premier Soccer League wesvondo rino apo vari kusangana neDynamos kuBarbourfields, kuBulawayo, wakavakoshera zvikuru sezvo uri iwo ucharatidza kuti chikwata chake chichatora mukombe here kana kuti kwete.

Mitambo yePSL iri kudzoka svondo rino mushure mekunge yakambomiswa vhiki radarika nekuda kwemakwikwi eChibuku Super Cup quarter-finals.

Zvikwata zvose zviri kutofanirwa kukunya dzisimbe sezvo zvasarirwa nemitambo minomwe chete yekukwikwidza.
Pari zvino Chicken Inn ndiyo iri kutungamira iri pamusoro pezvikwata zvose uye iri kutamba nhabvu inodakadza iine zvibodzwa (mapoinzi) 49 kubva mumitambo 23 yayatamba.

FC Platinum iri kufemera mugotsi meChicken Inn nezvibodzwa 44 kozoti Dynamos FC yakagara pechitatu nezvibodzwa 42.
Mafero anoti mutambo wavo neDynamos nemusi weSvondo wakavakoshera zvikuru nekudaro vacharwa semvumba.

Anoti mufaro uzere zvakanyanya muchikwata chake nekuti vane chivimbo chikuru kuti vanogona kusimudza mukombe wePSL gore rino.
Zvikwata zviviri izvi pazvakasangana pakutanga mwaka uno DeMbare yakadashurwa 3-0 nemaGamecocks, zita remadunhurirwa reChicken Inn, mumutambo wakatambirwa muHarare.

“Pasara mitambo minonwe iyo yakakosha chaizvo kuchikwata changu. Mitambo iyi ichange yakaoma zvikuru asi isu tichaigadzirira zvakasimba kutanga svondo rino apo tichasangana neDeMbare.

“Tine chivimbo chekuti mukombe tinogona kuutora asi hatingamhanye kupemberera, tinofanirwa kutanga tapedza basa,” akadaro Mafero.
Mutevedzeri wemurairidzi weDynamos, Gift “Umbro” Muzadzi anotiwo chikwata chavo chakagadzirira zvakasimba uye chiri kuenda kuBabourfields kunotora zvibodzwa zvose zviri zvitatu.

“Semazuva ose takagadzirira zvakasimba, tiri kuenda kuBabourfields kuhondo.
“Mitambo yedu yose yasara izvozvi yakakosha zvekuti tinofanirwa kutokunya zvakasimba kuti tiihwine,” akadaro Umbro.

CAPS vs HIGHLANDERS:
Mune mimwe mitambo iriko svondo rino, CAPS United ichange iri pamusha apo ichasangana neHighlanders. Zvikwata izvi zviri kurwira kupinDa muTop 4 yegore rino asi nemamiriro azvakaita, Kepe-Kepe ndiyo ine mukana wekupinda pane Bosso.
Zvikwata izvi zvose zvakadzinga varairidzi vazvo nguva pfupi yadarika nechivimbo chekuti zvimwe zvinhu zvingatange kuzvifambira zvakanaka.
Mutambo uyu uchange uchiburitswa paSuper Sport.

TSHOLOTSHO vs FC PLATINUM:
Norman Mapeza, murairidzi weFC Platinum, svondo radarika akaona mukombe wechikwata chake weChibuku Super Cup uchienda mushure mekunge chakwapaidzwa 7-6 kumapena neDynamos apo mutambo uyu wakange wapera uri mangange 0-0.
Svondo rino ari kutarisira kutsividza apo vari kunanga kuWhite City Stadium, kuBulawayo, kunosangana neTsholotsho iyo iri kurwira kuti isaburitswe muligi.

HARARE CITY vs TRIANGLE:
Triangle mwaka uno vazhinji vaitarisira kuti ndicho chimwe chezvikwata zvisiri zvemuHarare kana Bulawayo zvinogona kuhwina mukombe wePSL asi matambiro ayo nguva yadarika ange adzikira zvikuru.

Mumutambo wayo wekupedzisira, Triangle yakatonhodzwa 2-1 neChicken Inn kozoti Harare City yakarakashwa 2-0 neZPC Kariba.
Mutambo uyu uchatambirwa kuRufaro, muHarare uye uchiburitswa paSuper Sport zvakare.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey