Uncategorized

Switzerland yocheresa zvibhorani

05 Apr, 2019 - 00:04 0 Views

Kwayedza

Philipa Chinhoi-Mukome
NYIKA yeSwitzerland — kuburikidza nechirongwa chayo cheSwiss Humanitarian Aid —yakabatsira neUS$2 miriyoni kuti ishandiswe mukuyamura vanhu vakasangana nenjodzi yemafashamu emvuya yakaunzwa nedutumupengo reCyclone Idai muZimbabwe, Mozambique nekuMalawi.

Mari iyi ichabatsira mukuwaniswa kwemvura yakachena kuvanhu vemunyika nhatu idzi kuburikidza nekucheresa zvibhorani nekugadzirisa migwagwa nemazambuko izvo zvakaparadzwa nemafashamu aya.

Mumiriri weSwitzerland muZimbabwe neMalawi, Ambassador Niculin Jaeger, vanoti vakaona zvakakosha kubatsira nyika dzakasangana nenjodzi yemafashamu aya.

“Switzerland yakatotumira vanhu vakadzidzira zvekuvaka kuti vafambise basa iri vachibatsirana nevagari venyika idzodzi. Munhu anoda pekugara pakanaka ndokusaka takaona zvakakodzera kuti titumire zvekuvakisa dzimba nekucheresa zvibhorani,” vanodaro.

VaJaeger vnoenderera mberi vachiti, “Swiss Red Cross nesangano rinonzi Solidar Suisse vari kushanda pamwe chete mukutsvaga nzira dzekuwedzera homwe yemari yerubatsiro iyi nechinangwa chekuti nyika idzi dzigare dzakagadzirira njodzi dzakadai seCyclone Idai.”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey