TADZIYA: DEMBARE

14 Sep, 2023 - 21:09 0 Views
TADZIYA: DEMBARE Genesis ‘Kaka’ Mangombe

Kwayedza

Abel Ndooka

MURAIRIDZI weDynamos FC — Genesis “Kaka” Mangombe — orumbidza chikwata chake icho anoti chave kudavira kutamba mhando yenhabvu yaari kurairidza.

Kaka akagadzwa pachigaro chinopisa kuDynamos mwedzi wadarika achitsiva Herbert Murawa uyo waaishanda naye ari mutevedzeri wake.

Kubva agadzwa pachigaro ichi, DeMbare yave kutamba nhabvu inonwisa mvura izvo zvakaiona ichisimukira kuzogara pechina palogo reCastle Premier Soccer League (PSL).

Kusvika pari zvino, Kaka mitambo yaarairidza chikwata chake hachisati chambokundwa apo chatamba mishanu, chakahwina miviri ndokuita mangange miviri zvekare.

Mumwe mutambo wacho neHighlanders wakazomiswa zvichitevera mhirizhonga yakaitika kunhandare yeBabourfields, kuBulawayo svondo radarika apo DeMbare yaitungamira 2-0.

Muhurukuro neKwayedza, Kaka anoti: “Chinhu chikuru ndechekuti vatambi vave kudavira manje kumhando yenhabvu yandiri kuvadzidzisa, tave kunyatsotamba sechikwata uye ndozvandiri kumbokoshesa pari zvino.

“Dynamos inozivikanwa kuti chikwata chikuru naizvozvo tinofanirwa kuve nemhando yedu yenhabvu yatinotamba yakasiyana nezvimwe zvikwata zvese. Saka tiri kushanda kuti titambe nhabvu inonwisa mvura,” anodaro Kaka.

Mwaka uno, DeMbare iri kurwira mukombe wePSL neweChibuku Super Cup.

MuChibuku Super Cup, Dynamos ichasangana neFC Platinum muquarter-final, kuchiti svondo rino iri kudzokera kuBabourfields uko ichasangana neBulawayo Chiefs mumutambo wePSL.

Kaka anoti pari zvino muPSL vari kuda kumbohwina mitambo yavo voona kuti panopera mwaka vanenge vasvika papi asi mukombe wePSL vanouda sechikwata.

“Izvezvi takatarisana nemikombe miviri inoti wePSL neChibuku Super Cup saka pamiviri iyi ticharwa kuti mumwe wacho uuye kuDeMbare.

“Pakaita mukana wekuti tisimudze mukombe mwaka uno, isu tichabatisisa mukana uyu torwira mukombe wacho.

“Asi tinoziva kuti mukombe hauuye nyore nekuti zvikwata zvese pazvinotamba nesu zvinotorwa semvumba zvichida kutora zvibodzwa kwatiri,” anodaro.

Achitaura pamusoro pekusangana neBulawayo Chiefs uye kudzokera kuBabourfields uko kwakaitika mhirizhonga svondo radarika, Kaka anoti: “Bulawayo Chiefs haisi yekudherera, chikwata chinogona uye chakambotidya saka takatoingwaririra nekuti tinoiziva kuti haisi yekudherera.

“Tichitarisa mitambo yayatamba, yange ichizongodzora patisingafungire kuti inodzora saka chikwata chikuru chekungwarira.

“Iri nyaya yekudzokera kuBabourfields isu hatitye kana chinhu nekuti mhirizhonga yesvondo radarika iya yakangoitika kanguva kadiki vatsigiri veBosso vaona kuti zvange zvashatira chikwata chavo, vange vakutya kuti tinogona kuvarova dzakawandisa vakati regai tigare tapedza bhora tisati tarohwa dzakawanda,” anodaro Mangombe.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey