Uncategorized

‘Takadzoserwa shure neCovid’

11 Nov, 2021 - 16:11 0 Views
‘Takadzoserwa  shure neCovid’

Kwayedza

Malven Mugadzikwa

VARI mubhizimisi rezvekushanyirwa vari kukumbira rubatsiro rwemari kubva kuHurumende kuti vakwanise kusimudzira mabasa avo ayo avanoti akadzoserwa kumashure nekuuya kwechirwere cheCovid-19 icho chakaita kuti pave nemitemo yakonzera kuti vambomira kushanda (lockdown) kwenguva refu senzira yekurwisa kupararira kwacho.

Chikamu chezvekushanyirwa ndicho chakanyanya kukanganisika nedenda reCovid-19 sezvo pakanga pasina kufamba nekushanyirana munyika muno kana vanhu kubva kune dzimwe nyika kubvira pakanyuka chirwere ichi munaKurume wegore rapera.

Mutevedzeri wemutangamiriri wesangano reRestaurant Operators’ Association of Zimbabwe, Mai Karen Mutasa, vanoti mabasa ose ezvekushanyirwa akambosvika pakumira sezvo vanhu vakanga vasingabvumirwe kufamba-famba.

“Tinofara chaizvo kuti vazhinji, kunyanya vari mubhizimisi rezvekushanyirwa, vakakwanisa kubaiwa majekiseni. Zvisinei, chikamu chedu chichiri kurwadziwa zvakanyanya nekuda kweCovid-19.

“Tinotenda, asi hatisi kufara nekuwedzerwa kwakaitwa nguva dzekuti vanhu vamire kufamba kusvika 10 dzemanheru (curfew) nekuti izvi zvinoreva kuti tinopedzisira kupa vanhu chikafu nguva dza9 manheru kuti tivhare nenguva. Izvi zviri kuita kuti tisawana mari yakakwana inokwanisa kubhadhara zvose zvinodiwa mubasa redu.

“Nekukanganiswa kwakaitwa mabasa edu, tinofunga kuti dai Hurumende yawedzera nguva dzekuti vanhu vamire kufamba kusvika pakati pehusiku kana kuma1 dzekunze kwave kuyedza,” vanodaro.

Mai Mutasa vanoti sezvo bhisimisi rezvekushanyirwa rakakanganiswa neCovid-19, dai Hurumende yakwanisa kuvabatsira nemari yekuti vasimudzire mabasa avo sezvo vazhinji vavo vasiri kushanda semashandiro avaisiita denda iri risati rauya uye vamwe vakatovhara.

Vanoti pari zvinochikamu chezvekushanyirwa chiri kunyanya kushandisa dandemutande senzira yekutsvaga vatsigiri nemakasitoma sezvo iri nyore kushandisa kana pachitariswa matanho anofanirwa kutevedzerwa pakudzivirira kupararira kweCovid-19.

Mashoko avo anotsinhirwa nemutauriri weZimbabwe Tourism Authority (ZTA), VaGodfrey Koti, vachiti kunyuka kwedenda iri kwakadzosera kumashure zvikuru budiriro yange yavepo muchikamu chezvekushanyirwa kwenyika.

“Vazhinji vanoziva kuti nzira dzechizvino-zvino dzinofambisa mashoko nekukurumidza uye seZTA tinokurudzira kushandiswa kwadzo sezvo zviri nyore pakushambadza. Takaparura chirongwa cheTourism Recovery and Growth Strategy mugore ra2020 uye muchirongwa ichi tinokoshesa kushandiswa kwechizvino-zvino senzira yekuti tishambadze zviwanikwa zvedu nekutaura nemakasitoma edu.

“Izvi zvaita kuti makambani makuru nemadiki ari mune zvekushanyirwa akwanise kushandisa chizvino-zvino kuti vashambadze mabasa avo nezvavanoda kutengesa nekupa kune veruzhinji,” vanodaro VaKoti.

General Manager weOdyssey Lodges iri kuKadoma, Muzvare Kudzai Chipengo, vanoti kambani yavo iri kushandisa dandemutande zvakanyanya kuitira kuwana makasitoma nevatsigiri vakawanda sezvo bhizimisi ravo rakadzikira zvikuru nekuda kweCovid-19.

 

“Bhizimusi ranga ranyanya kudzikira nekuda kweCovid-19 asi pari zvino tave kuona shanduko. Misangano yave kukwanisa kuitwa uye vazhinji vave kushanya kunzvimbo dzakasiyana izvo zvave kutinakirawo.

“Tiri kushandisa zvakanyanya nzira dzechizvino-zvino kuburikidza neTwitter, Facebook, Instagram nezvimwe kukwezva makasitoma edu nevatsigiri,” vanodaro Muzvare Chipengo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey