Take Money orwira bhande reWBC

02 Nov, 2023 - 20:11 0 Views
Take Money orwira bhande reWBC Kudakwashe 'Take Money' Chiwandire

Kwayedza

Abel Ndooka

SHASHA yetsiva yechidzimai ine mukurumbira – Kudakwashe ‘Take Money’ Chiwandire – ari mushishi kuita gadziriro apo akatarisana nekutatsurana naUrvashi Singh wekuIndia vacharwira bhande reWorld Boxing Council (WBC) International Championship.

Mutambo wevatambi vaviri ava uchatambirwa kuMalvern kuVictoria, kuAustralia nemusi wa15 Zvita.

Wakakosha zvikuru kuna Take Money nekuti kana akauhwina anosimukira pazvinzvimbo zvemutsiva izvo zvinozomubatsira mune remangwana pakurwira mabhande makuru emutambo uyu akaita seWBC Gold.

Muhurukuro, maneja waChiwandire arizve murairidzi wake — Clyde Musonda — weDeltaforce Boxing anoti mukana wakapihwa Take Money uyu wekuti agorwa naSingh hauwanikwe nhando nekudaro vave kutosimbaradza gadziriro dzake.

“Uyu mukana mukuru watainge tichitarisira uye isu tichaubatisisa toushandisa nemazvo nekuti bhande rina Singh tiri kuda chaizvo kurihwina.

“Kuhwina bhande iri kuchabatsira zvakawanda kuna Take Money nekuti kuchamuona achidzoka muzvinzvimbo zvekurwira mamwe mabhande makuru akasiyana mutsiva, saka sechikwata chake tiri kushanda naye tichimugadzirira mutambo uyu,” anodaro Musonda.

Urvashi Singh

Rwendo rwaTake Money kuenda kuAustralia kunosangana naSingh zvese zviri kurongwa nemapuromota emutambo uyu MJA Entertainment iyo iri kushanda yakabatana neDJMC Events.

Mapoka aya akavimbisa kukwidza mutambi uyu ndege yekuenda kuAustralia pamwe chete nemurairidzi wake mumwe chete.

Musonda anoti hazvikwanisike kuti Take Money aende kumutambo uyu angori nemurairidzi mumwe chete sezvo zvichimuzomutadzisa kunyatsoita gadziriro dzake dzakasimba.

“WBC inotendera kuti mutambi ange ane chikwata chevanhu vatatu vaanenge ainavo pakona yake mutambo paunenge uchitambwa. Asi manje mapuromota emutambo waChiwandire naSingh vari kuti vanokwanisa kukwidza Take Money ndege pamwe nemurairidzi mumwe chete wake.

“Isu tinoda kuti aende kumutambo uyu ane chikwata chakasimba chevarairidzi vatatu avo vanotaurwa neWBC kuti vamire naye pamitambo yake. Tiri kuchema kumhuri yeZimbabwe kuti ipindire ibatsire kuti vamwe varairidzi vaTake Money vawane mari dzendege tiende kuAustralia chikwata chake chakasimba,” anodaro Musonda.

Take Money gore rino ange akambonyarara zvichitevera kukundwa kwaakaitwa naYamileth Mercado wekuMexico munaKurume mumutambo uyo akarwira kuda kumutorera bhande rake asi zvikaramba.

Vadzoka kubva kumutambo uyu kuMexico, Musonda akati vaizoda kunyorera bhodhi reWBC vavape zvinyunyuto zvavo maringe nemabatirwo avakaitwa vaenda kuMexico.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey