Tanganda Half Marathon yadzoka

22 Jun, 2023 - 20:06 0 Views
Tanganda Half Marathon yadzoka Moses Tarakinyu (wechina kubva kuruboshwe) mushure mekuhwina mujaho weTanganda Half Marathon gore radarika

Kwayedza

Abel Ndooka

SHANGWITI dzemujaho wekumhanya dzemuZimbabwe nepasi rose dziri kutarisirwa kukwikwidza mumujaho weTanganda Half Marathon 21km uyo uchaitirwa kwaMutare nemusi weSvondo svondo rino.

Shasha dzekumhanya dzinodarika 2 000 dzichapinda mumujaho uyu, uyo unove mumwe wemijaho inozosarudzwa shasha dzinozomirira nyika kumakwisu emujaho weWorld Half Marathon.

Gore rino, mujaho weWorld Half Marathon uchaitirwa kuLatvia munaGunyana saka shangwiti dzinoda kuzoenda kumakwikwi aya uyu dzinofanirwa kumhanya mujaho weTanganda Half Marathon mumaminitsi ari pasi pe61 kuvarume, kuchiti kumadzimai anofanirwa kumhanya maminitsi ari pasi pe75.

Mutungamiriri weNational Athletics Association of Zimbabwe – Tendai Tagara – anoti mujaho uyu wakakosha zvikuru nekuti kazhinji vanenge vahwina ndivo vanobva vawaniswa tikiti rekunomirira nyika kuWorld Half Marathon.

“Tiri kutarisira zvikuru kuona shangwiti dzinomhanya marathon dzinodarika 2 000 dzichiuya kuzokwikwidza kuTanganda Half Marathon nekuti mumwe wemijaho mikuru yatinokoshesa munyika.

“Apa ndipo patinosarudza vanozonomirira nyika kuWorld Half Marathon uye gore rino mujaho uyu uri kuitirwa kuLatvia munaGunyana, saka vanoda kubudirira kuenda vanofanirwa kunge vamhanya Tanganda Half Marathon mumaminitsi ari pasi pe61 kuvamhanyi wechirume kuchiti kumadzimai vanofanirwa kumhanya maminitsi ari pasi pe75,” anodaro.

Tendai Tagara

Tagara anoti chakakoshera kuti vanokwikwidza vamhanye maminitsi akatarwa aya inyaya yekuti vanenge vachida shasha dzekutakura kuenda nadzo kumakwikwi epasi rose.

“Isu chatiri kutsvaga kutumira shasha dzepamusoro dzinonyatsomhanya dzekuti dzikaenda kunze uko vanosimudzira mureza wenyika. Asi tinofara hedu kuti tine shasha dzakaita saMoses Tarakinyu, Rutendo Nyahora, Olivia Chitate nevamwe vari kukwanisa kumhanya vachibata maminitsi anodiwa kuti vagokwanisa kuenda kuWorld Half Marathon,” anodaro Tagara.

Tarakinyu naChitate ndivo vakahwina mujaho uyu gore radarika.

Kuchiti kumujaho wewiricheya, shasha ndiElford Moyo naStella Jongwe avo vari kutarisirwa zvakare kukwikwidza mumujawo wegore rino kwaMutare vachichengetedza mikombe yavo yavakahwina gore radarika.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey