Uncategorized

Tashandura mashandiro: zrp

30 Mar, 2018 - 00:03 0 Views
Tashandura mashandiro: zrp Snr Asst Comm Felly Chikowero-Mjanga

Kwayedza

Malven Mugadzikwa naKumbirai Bakuri
VANHU vemunharaunda vonokurudzirwa kushanda pamwe chete nemapurisa eZimbabwe Republic Police (ZRP) nedonzvo rekuderedza kuparwa kwemhosva.

Mukuru wemapurisa mudunhu reMashonaland West Province, Senior Assistant Commissioner Felly Chikowero-Mjanga, vakapa kurudziro iyi svondo rapera apo vaiparura zvakare chirongwa chemashandiro emapurisa pakuisa michiso pamombe uye kutanga kwechikamu chinodzivirira kuparwa kwemhosva paNyamweda Business Centre, kuMhondoro.

“Semapurisa ZRP, tinoda kuti veruzhinji vazive kuti kushanda kwedu hakuna chimiro kana pasina kubatana navo.

“Izvi zvinotsigirwa nezviri mubumbiro remutemo wenyika rinotipa masimba ekuona, kuferefeta, kudzivirira mhosva, kuchengetedza runyararo munyika, kuchengetedza upenyu neupfumi hweveruzhinji pamwe nekuchengetedza mutemo nerunyararo munyika nezvimwe.

“Isu seZRP, tiri pashandukowo pamashandiro edu kubva pane mashandiro ataiita kare. Shanduko iyi inoda kuti tiwedzere kushanda uye kuva munharaunda zvakanyanya senzira yekuderedza kuparwa kwemhosva,” vanodaro Snr Asst Com Chikowero-Mjanga.

Vanoti senzira yekuderedza kuparwa kwemhosva, mapurisa achange achiwanikwa achitenderera munzvimbo dzakasiyana uye veruzhinji vakasununguka kushanda nawo.

“Donzvo redu nderekudzivirira mhosva dzisati dzaparwa naizvozvo tinotuma mapurisa kuti vapote vachifamba netsoka, nemabhasikoro, nemabhiza, nemotokari kana neimbwa dzechipurisa. Mabhiza ari kuuya muMashonaland West nenguva pfupi iri kutevera.

“Mukuita basa ravo, mapurisa tinovakurudzira kuti vataure nevanhu vachinzwa zvichemo zvavo neveruzhinjiwo tinovakurudzira kusununguka kutaura nemapurisa kwete kuvatya,” vanodaro.

Snr Asst Com Chikowero-Mjanga vanoti veruzhinji vakasununguka kuenda kumakamba emapurisa ari pedyo navo kuti vataure kana kumhan’ara nyaya dzinenge dzaitika munharaunda.

“Madzimambo, masabhuku, maMP nemakanzura ndimi munochengetedza hunhu, mitemo netsika dzedu.

“Nyaya dzekubatwa chibharo, kunyanya kwevana vadiki, ndidzo dzatishungurudza zvakanyanya mudunhu muno. Chinonyanya kurwadza ndechekuti vanhu vehukama vakaita savanasekuru, vanababa, hanzvadzi nevavakidzani ndivo vari kupara mhosva idzi kunyanya.

“Vana ndivo vatungamiriri vamangwana saka kuvakanganisa kukanganisa ramangwana ravo zvose nenyika.”

Snr Asst Com Mukowero-Mjanga vanokurudzirawo veruzhinji kuti vasape mapurisa chioko muhomwe.

Vanotizve huwori hunodzosera budiriro kumashure uye veruzhinji vakasununguka kumhan’ara kumakamba ari pedyo navo kana paine mapurisa anenge achida mari kana kubhadharwa kuti vaite basa.

Vanokurudzirawo veruzhinji kuti vasapinde mune zvekubiwa kwezvipfuyo vachiti varimi vanofanira kuisa mombe dzavo michiso kuti dzizivikanwe nekukasira.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey