Tavengwa oramba achitungamira ZC

14 Sep, 2023 - 20:09 0 Views
Tavengwa oramba achitungamira ZC Tavengwa Mukuhlani

Kwayedza

Abel Ndooka

TAVENGWA Mukuhlani akadzorerwa pachigaro chekutungamira sangano reZimbabwe Cricket zvichitevera kuvhoterwa kwaakaitwa pamusangano weZC wakaitirwa kuBulawayo nguva pfupi yadarika.

Izvi zvichaona Mukuhlani achitungamira ZC ari sachigaro kechitatu uye temu yake yemuhofisi ichange yakareba makore mana.

Achitaura mushure mekugadzwa, Mukuhlani anoti chiremerera chikuru chaakapihwa kuramba achitungamira Zimbabwe Cricket uye achashanda nesimba kuti mutambo uyu urambe uchisimukira munyika.

“Ndinokutendai nekurakidza kuvimba neni kuti ndirambe ndichitungamira sasachigaro kwemamwe makore mana.

“Chigaro chinouya nebasa rakakosha nehuremu, ibasa rinouya nechiremerera nekamwe kakudada kekumiririra nyika yako uye kutungamira sangano rino. Handizvitore sedambe.

“Takazvirakidza mumakore masere adarika kuti tinokwanisa kuti mutambo uyu uve indasitiri inopa mikana kune vatambi vechidiki pamwe chete nevamwe vagara vari mumutambo uyu,” anodaro Mukuhlani.

Anoti mumakore mana anotevera, anoda kushanda kuti mutambi wese achapihwa chiremerera chekumirira Zimbabwe anoimirira nemwoyo wese.

“Hutungamiri hwangu sasachigaro mumakore mana anotevera huchange huri hwekuona kuti mutambi wese paanopfeka bheji opinda munhandare achitamba anenge achidada kuve chizvarwa chemuZimbabwe, akazvipira kusimudzira mureza wenyika,” anodaro.

Mukuhlani mubasa rake achabatsirwa naSylvester Mtshaka uyo akasarudzwa kuve mutevedzeri wake.

Pamusangano uyu pakaona nhengo nomwe dzinobva kumapurovhinzi akasiyana dzichiiswa mubhodhi reZC.

Bhodhi iri ndiro rakasazosarudza madirector mashanu apo Tavengwa akasarudzawo kuti agotungamira sangano reZC.

Nhengo nomwe dzakabva kumapurovhinzi akasiyana dzinoti: Godwin Dube (Bulawayo Metropolitan), Tafadzwa Madoro (Harare Metropolitan), Godfrey Nyadongo (Manicaland), Godfrey Kaswa (Mashonaland East), Ronald Chibwe (Mashonaland West), Arthur Maposa (Matabeleland South) naJohn Makuwalo wekuMidlands.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey