Tezvara nemukuwasha tiba

08 Jan, 2016 - 00:01 0 Views

Kwayedza

Cassius Mushore
TEZVARA nemukuwasha vakatsvukisirana maziso mudare nenyaya yeroora apo tezvara vaitsika madziro vachiti havazi kuzotora mwanasikana wavo, uyo akafirwa nemurume, kusvikira vapihwa pfuma yavo.

Maxwell Kauswa akaendesa hanzvadzi yemukadzi wemukoma wake, Joseph Dingambira, kuHarare Civil Court achiti ari kumunetsa nekubvunza pfuma yeroora.

“Hanzvadzi yemukadzi wemukoma wangu ari kuramba kuuya kuzotora sisi vake apa mukoma ainge akaroora maiguru akafa kare. Ini ndiri kushaya kuti ari kurambirei achigara pamba pedu apa haasi kubhadhara kana mutero wemagetsi zvekuti chikwereti chatokura.

“Paakauya pakanga pasina kana zvikwereti. Chandava kukumbira kuti vauye kuzozvibhadhara vobva vatorana nehanzvadzi yavo,” akadaro.

“Pari zvino chikwereti chakura zvekusvika pa$60 zvekuti akaramba aripo chiri kutozowedzera. Ini handibvise roora nekuti haasi mukadzi wangu asi kuti aiva mukadzi wamukoma wangu. Handina chekuita naye zvekuti ndingamusiye achigara pamba kana chandingasungirwe kuti ndibvise mari yavari kuda.”

Dingambira akadya marasha mudare achiti havasi kuzotora hanzvadzi yake kusvikira mhuri yekwaKauswa yabvisa roora.

“Isu hatisi kuuya kuzotora mwana wedu nekuti nyaya yacho yakatoenda kumatare. Zvinhu zviri kuzivakanwa kuti havana kuroora mwana wedu saka tichamutora kana vachinge vabvisa mari. Mukomana uyu (Kauswa) akatombotuma vanyai tikafunga kuti afunga zvekutipa mari yedu asi aida kubvunza kuti tichaenda rinhi kunotora hanzvadzi yedu.

“Izvi zvaari kunditi ndibhadhare chikwereti chemagetsi ini handisi kuzobhadhara nekuti handisirini ndiri kugara pamba apa saka ndobhadhara nechikonzero chei?” akadaro.

Mutongi Marehwanazvo Gofa akapa gwaro redziviriro kuna Kauswa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey