Uncategorized

‘Tichaviga mutumbi usina musoro nemaoko’

22 Mar, 2021 - 16:03 0 Views
‘Tichaviga mutumbi usina musoro nemaoko’ Beulah Musupai

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MHURI yekwaMakore, kwaMambo Mangwende, kwaMurehwa – iyo ine mwanakomana akapondwa gore rapera, mutumbi wake ndokuzonhongwa ikoko asi wakabviswa nhengo dzemuviri dzinosanganisira musoro, maoko nemakumbo – inoti iri kufambira mberi nehurongwa hwekuviga mutumbi uyu nemusi wa27 Kurume.

Tapiwa Makore Jnr akapondwa gore rapera uye vanhu vane chitsama – kusanganisira vemhuri yekwaMakore – vakatosungwa nekuda kwenyaya iyi.
Mutumbi wemwana uyu wakanhongwa usina dzimwe nhengo zvikasiya vagari veko vazere nekurwadziwa nekutya.

Muongororo dzakazotevera, makumbo emwana uyu akazonhongwa ari muchimbuzi chemumusha uye kune dehenya remusoro nechanza cheruoko zvakanhongwawo zviri kwazvo.

Dehenya rakawanikwa munzvimbo yakaponderwa Tapiwa Jnr rakaongororwa nemachiremba kukabuda kuti ndere musoro wake izvo zviri kurambwa nevemhuri yekwaMakore vachiti ndere mumwewo munhu.

Mutauriri wemhuri yekwaMakore, Mai Beaulah Musupai (48), vanoti musoro uri kunzi ndewemwana wavo uyu hausi.

“Sekutaura kwatakaita pekutanga, musoro unonzi ndewe mwana wedu uyu hausi, izvo zvakatsigirwa nemachiremba akaongorora musoro uyu pekutanga kuchipatara kuHarare. Nekudaro isu tiri kufambira mberi nekuviga mutumbi wemwana wedu nemusi wa27 Kurume nenguva dza11 mangwanani.

Tapiwa Makore jnr

“Tichanotora mutumbi uyu kwawakachengetwa nemusi weChishanu toenda nawo kwaMurehwa kwauchanorara mumba kusvika remangwana racho tichizouviga,” vanodaro Mai Musupai.

Vanoti pane ongororo iri kuitwa zvakare padehenya remusoro iri nekambani yavakazvitsvagira izvo zvisingamise kuvigwa kwemutumbi wemwana uyu.

“Nyanzvi dzekambani yakazvimirira dzatakatsvaga kuti dziite ongororo musoro uyu dzakatotora zvinodiwa kubva pamusoro uyu tichimirira zvichabuda sekupokana kwatiri kuita kuti uyu hausi wemwana wedu. Tiri kuviga mutumbi uyu nemusi weMugovera usina musoro nemaoko,” vanodaro Mai Musupai.

Vanoenderera mberi vachiti, “Mambo wedu VaMangwende vachange varipo nevamwe vanoremekedzwa.”

Gweta remhuri yekwaMakore, Mai Tabitha Chikeya Mwayera, vanotsinhira hurongwa hwekuvigwa kwemutumbi waTapiwa Jnr.
“Hapana chasanduka, tiri kuviga mutumbi waTapiwa Jnr nemusi weMugovera 27 Kurume kumusha kwaMurehwa. Tiri kuuviga usina musoro nemaoko nedzimwe nhengo dzakavandika,” vanodaro.

Vamwe vakasungwa nekuda kwenyaya yekupondwa kwemana uyu vanosanganisira Tapiwa Makore Snr (57) nemufudzi wake wemombe anonzi Tafadzwa Shamba (48) naThanks Makore (57).

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey