Uncategorized

Timu yehupenyu yakabaiwa

16 Sep, 2016 - 15:09 0 Views

Kwayedza

ICHOKWADI timu yehupenyu hwevazhinji yakabaiwa zvekuti vakawanda tave kurarama tiri pamushikashika wehupenyu. Zvese zvangove zvekumhanya zvekuti hatione kuti kumhanya kwedu kuri kutifizura asi isu pasina kwatiri kuenda. Tafanana nembwa iri kuda kuruma muswe wayo – inotenderera, igotenderera kusvikira yave nedzungu.

Asi kana timu yakabaiwa, nebhora racho ratiri kukavira mberi rabaiwawo zvekuti harisisina mweya sesu vacho vari kuritandanisa.

Chakandiwana chakabvepiko? Ini ndinoti ko iwe waivepi pachaikuwana? Wakatadza kutiza neiko? Rega kuyeuka kondomu iwe wave nemhezi mhani. Kuda kuisa fenzi idzo mombe dzarara mumunda dzichirurusha.

Ndanga ndichifunga kuti nguva yataive nayo kare yakaenda kupi? Mazuva atakanga tisina makombi anomira pese-pese, anopinda nepese-pese achidhiraivhwa nevese-vese.

Ndiri kufunga kuti kare taive nenguva yekukwazisana takagara pasi vanhu vachiombera. Asi mazuva ano kana munhu akagara pasi kana kupfugama tinofunga kuti ari kupedza nguva yedu. Kana nechembere dzave kuita maBig Up. Unonzwa dzichinzi, “Ndeipi gogaz?”

Ivo voti, “Zvakadhakwa rough. Ari sei maLevels wangu?”

Mhinduro yoti, “Low low gogaz. Regai ndimbodai-dai waiziva! Ndozokupinzirai paApp.”

Gogo vobva vati, “Kahwani.”

Ini ndiri kutya kukanganisa hunhu hwemwana ari kushanda kumba kwedu. Akabva kumusha. Ndinomutarisa ndofunga nguva yakare. Anopfugama achikwazisa vanhu – angave mangwanani kana masikati.

Asi pamwe pacho paanenge achitsvaga pekupfugama, inini wacho ndinenge ndave kutofamba ndichienda, saka ndinomukanganisa hunhu hwakanaka hwaakapihwa nevabereki. Ndinoshaya nguva yekuti ndimubvumire kupfugama, kuombera achindikwazisa.

Chinondidariso ndechekuti neniwo nyangwe nemumba ndave pamushikashika. Ndinoita sekuti ndikakwaziswa ndapedzerwa nguva yangu.

Asi kukwaziswa nemwana ari kuda kupfugama achiombera achiti, “Maswera sei baba?” chinhu chave kundirangaridza kuti neniwo ndave kufanira kumanikidza Harare nespeed yayo kuti indirutse.

Kana ndikange ndave pamushikashika wehupenyu saizvozvi, ndinonyara kwazvo nekuti ndinobva ndaona ndega kuti ndayerera setishu riri muchemba. Nyangwe rikachema, chemba hainzwe. Chemba yakagadzirirwa kuendesa zvinhu zvakasviba kure kusina vanhu.

Panguva imwechete, ndiri kufungawo kuti ko nyangwe muBhaibheri chaimo Jesu akaita zvinhu zvakawanda, asi handina pandakambonzwa paakamhanya, kana paakapererwa nenguva. Saka yangu neyako inoita shoma sei? Sei tave vanhu vemushikashika?

Jesu akaudzwa kuti munhu waaidisisa ainzi Razaro akanga achirwara zvakaipa, kurumidzai kuuya muzomubatsira. Asi Jesu akazoenda mushure memazuva mana Razaro afa akatovigwa.

Nyangwe paakasvika Razaro afa, Jesu akachema, asi haana kumhanyira kuguva.

Mwari havamhanye. Vakaita makore 120 vachiti Noah agadzirire mafashamu. Vakaita makore 80 vachiita kuti Moses agadzirire basa rake.

Saka isu chinotipa kumhanya sezvinonzi kumhanya kwedu kunogadzirisa zvinhu chii? Takafanana nehuku yanhonga gonye, haina zororo asi panguva imwechete haikwanise kudya gonye riri kuita kuti imhanye nechivanze chese.

Tiri pamushikashika wekutsvaga mari, mushikashika wekutsvaga promotion kubasa, mushikashika wekuda kuroorwa, wekutsvaga minana, mushikashika wekujamuka!

Tinonetseka kuti tichafa tiri maroja kana kuti tisina kuroorwa.

Ichokwadi hupenyu hwemusuweji hunonhuhwa. Hupenyu hwemusuweji haukomborere nyangwe musuweji macho muine mvura nekuti haucheneswe nemvura yemusuweji.

Asi kana tiri mutsvina, tinofanirwa kutsvaga mvura yakachena, mvura chaiyo inonzi Jesu. Kana tiri musuweji ngatimbomira kutsvaga kuchena nemushikashika wemvura yakasviba.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey