Uncategorized

Tinochema naVaMuluzi

16 Dec, 2016 - 00:12 0 Views
Tinochema naVaMuluzi

Kwayedza

. . . mwanasikana akarohwa nemheni

TIRI mumwaka wokunaya, mwaka unofadza nokuti kuuya kwemvura kunotaura maguta neupenyu. Asi pane mimwe mikwende inoperekedzana nomwaka uyu inoshaisa mufaro, ichiunza misodzi nokushungurudzika. Kana mvura ikawanda panoita mafashamu, zvokuti gore negore tinonzwa kuti kune vanhu vaeredzwa nenzizi.Kana kwaita mafashamu, mazambuko anoeredzwawo, uye migwagwa inoparadzwa, dzimwe nzvimbo dzichisara angove makomba chete.

Kunaya kwemvura kunouya nezvakawanda-wanda, asi chimwe chinotyiwa noruzhinji imheni. Vaya vanotyisidzira vamwe vachiti vanogona kuvatumira mheni, kusaziva nokuti havazivi kuti kunyange kunyika dzakabudirira, mheni iriko, uye inorova nokuuraya.

Kuzvigona kwavanoita kugara vachipa vanhu mazano okuzvichengetedza.

Gore negore muno muZimbabwe tine vanhu vanorohwa nemheni: vamwe vanofa, vamwe vanokuvadzwa, misha nezvipfuyo dzimwe nguva zvinoparadzwawo. Pari zvino, patove navanhu vanopfuura vashanu vakarohwa nemheni mwaka wa2016.

Patsvagurudzo yatakaita, takaona kuti gore rimwe nerimwe vanhu vanopfuura 2 000 vanorohwa nemheni pasi rose.

Nhangaruvanze iyi ndeyokuti mhuri yeZimbabwe, kunyanya vatapi venhau, ngatibatane nemhuri yevaimbove mutungamiri weMalawi, VaBakili Muluzi, avo vane mwanasikana ari dangwe ravo zvakare, Esmie Muluzi-Malisita, uyo akarohwa nemheni akafa nemusi weMuvhuro svondo rino. Muchakabvu akange ave namakore 47 ekuzvarwa.

VaMuluzi vakatonga nyika yeMalawi mushure maDr Hastings Kamuzu Banda kubva 1994 kusvika 2004.

Zvinonzi Mai Muluzi-Malisita (sezvo akange akawanikwa) akarohwa nemheni muguta reBlantyre pamwe chete nasahwira wake Hazel Busile.

Vaviri ava vakarohwa nemheni vachiisa fetiraiza muzvirimwa zvomugadheni.

Mushakabvu Esmie akange ari mukuru wenhepfenyuro yakazvimirira yeJoy FM Radio.

Masangano evatapi venhau okuMalawi nevedunhu rose vari kabatana nemhuri yaVaMuluzi kuchema mwanasikana wavo, vachiti masangano anotapa nhau arasikirwa zvikuru.

Vari kurumbidzawo mabasa akabatwa naEsmie achiedza kuti vatapi venhau nebasa ravo zvive rinopihwa chiremera, uyewo kuti vashandi vawane mugove wakakodzera. Sachigaro wesangano reMedia Institute of Southern Africa (Misa) kuMalawi, VaThom Khanje, vanoti Misa-Malawi icharangarira muchakabvu Esmie nerutsigiro rwaaipa kusangano ravo namasangano ose enhau, uyewo kuti akange ari munhu aida kuona kuti mitemo iri maererano nokufambiswa kwamashoko nenhau inoendeka.

Tichinyaradza mhuri yokwaMuluzi, tinokurudzira kuti vanhu vateerere zvinenge zvichitaurwa nanamazvikokota.

Mutauriri mukuru wamapurisa, Senior Assistant Commissioner Charity Charamba, mwedzi wapfuura vakayambira veruzhinji kuti nokuturuka kwaita mvura, ngavachenjerere mheni uyewo kuti vazvichengetedze:

“Please avoid taking shelter at isolated places or being the sole target at open spaces; avoiding contact with electrical gadgets and seeking shelter under isolated tall trees or other objects,” vanodaro Snr Asst Comm Charamba.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey