Uncategorized

Tinoitwa zvinorova nababa: Vasikana

03 Nov, 2017 - 00:11 0 Views
Tinoitwa zvinorova  nababa: Vasikana

Kwayedza

Kingstone Mapupu —
VANASIKANA vatatu vemumhuri imwe chete vanoti vashungurudzwa kusvika kwekupedzisira —vanoshereketwa navo nenyoka, ukuwo vachirota vachishinha nababa vavo — dzimwe nguva zvichitoitika vakasvinura.

Izvi vanoti ndizvo zviri kuvatadzisa kuroorwa nekuvapa munyama nehurwere hwakasiyana. Nekuda kwedambudziko ravakatarisana naro, vanasikana vatatu ava vakazozvipira kubuda pachena vachitsvaga kubatsirwa.

Vaviri vevasikana ava vanoti vanongomitiswa vachiita vana nevarume vakasiyana asi pasina kuroorwa uye mumwe wavo ane makore 32 okuberekwa haana kumbobvira aroorwa kana kusangana nemurume zvedi — kunze kwekuhope “uko baba nenyoka vapedza neni”.

“Tinoshinha nenyoka kana nababa vedu, kunyanya patinenge tiri kunguva yedu yekutevera. Izvi zvinoreva kuti ropa redu rekugeza riri kutorwa,” anodaro mumwe wevasikana ava, avo vanokumbirisa kuti vasadurwe nemazita avo vachityira kuti dambudziko ravo ringatowedzera.

Vose vanasikana ava vanoti vanorota zinyoka hombe richiuya kwavari, rovamonerera apo rinoguma rovaita vakadzi, ivo vasina kana simba rekuzviramba.

“Kuburikidza nekurota nyoka iyi nababa, takazotanga kufamba tikaudzwa kuti baba vedu ndivo vane nyoka intiita madzimai uyewo naivo vanonzi vanotiitawo vakadzi kuburikidza nemishonga yavo yavakatora kumitambo yezvigure. Vanotamba zvigure kwatinogara kumapurazi eKandodo, kuMatepatepa,” anodaro mumwe wavo.

Mumwewo anoti anosara angorukutika muviri wose pose panoitika mashura aya kwaari. Mukurota kwavanoita uku, vose vanoti nyoka iyi inovananzva muviri wose kusanganisira kusikarudzi.

“Tinorambwa nevarume zvisina tsarukano, ini mudiki ndikawana mukomana anoda kundiroora, anongosviba moyo zvotopera. Baba chaivo havamboda kunzwa kuti wadanana nemurume kana mukomana, vanonomupengera zvekuda kumurova,” anodaro.

Anoenderera mberi: “Amai vedu vakafa vachitaura kuti, ‘Muchaona zvenyu nhamo yandakusiirai nababa venyu’.

Hatina kuziva kuti vairevei kusvikira takazotanga kuzviona amai vashaika, tasara nababa.”

Mumwe wevanasikana ava anoti anogara achibuda mukaka mumazamu ake asi iye asingayamwise. Vanasikana ava vanoti vari kutsvaga rubatsiro rwekuti zviri kuitika kwavari zvipere.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey