Uncategorized

Tinopa mikana yakaenzana: Chihuri

13 May, 2016 - 00:05 0 Views

Kwayedza

MUKURU wemapurisa eZimbabwe Republic Police, Commissioner-General Augustine Chihuri, vanoti zvakakosha kuti vanhukadzi vari muchipurisa vave nemikana yakaenzana nevanhurume pabasa.

Vachitaura svondo rapera muguta reHarare pamusangano weboka remadzimai anoshanda muchipurisa, we2016 Women Network Annual Gerneral Meeting, Comm Gen Chihuri vanoti mapurisa echikadzi anofanira kushanda nesimba uye kukoshesa kupihwa kwavanoita mikana yakaenzana nevanhurume.

“Sezvo nzira yekuti mapurisa echikadzi awane mikana yakaenzana nevarume ichiita seyakaoma, vanofanira kushingaira nekushanda nesimba vachiwanikwa pamabasa nguva dzose. Vanofanira kuziva kuti sezvinongoitika kuvarume, naivo kwavari zviriko, kuti havangawani mubairo vakagarira mawoko asi kupfurikidza nekushanda nesimba,” vanodaro.

Vanoti musangano uyu wakaitwa panguva iyo paine kurudziro yekuzadzikisa zvinangwa zveUnited Nations Sustainable Development Goals (SDGs), kunyanya icho chine donzvo rekukurudzira kuenzaniswa kwemikana pakati pevanhukadzi nevanhurume.

“ZRP yagara ichikoshesa kuenzaniswa kwemikana pakati pevanhukadzi nevanhurume uye ticharamba tichizvikurudzira sezvo zvichibatsira mumashandiro emapurisa akanaka. Tinoramba tichishanda nesimba kuti madzimai aonekwewo kukosha kwawo mubasa rechipurisa uye hatisi kutarisira kudzokera kumashure panyaya iyi asi kuramba tichienda mberi.

“Zvisinei, hazvirevi kuti madzimai anopihwa mikana chero asiri kuita basa nemazvo asi kuti sezvatinoita kana kumapurisa echirume, munhu wese anopihwa chigaro chepamusoro kana kutungamirira vamwe nekuda kwekushanda nemazvo, nenzira dzakanaka uye hunhu hwakanaka. Naizvozvo mapurisa echidzimai anofanira kuziva kuti mikana yavanopihwa vanoiwana nekuti vari kushanda nesimba, chero kupfuura vanhurume vacho.”

Comm Gen vanokurudzira mapurisa kuti ashande nehumwe chete kuburikidza nekupanana mazano kuitira kuti basa ravo riendeke.

Mapurisa, vanodaro Comm Gen Chihuri, vanofanirawo kushanda nesimba mukudzivirira kumbunyikidzwa kwemadzimai mudzimba, mhirizhonga pamwe chete nekubatwa zvibharo kwevanhukadzi sezvo zvichivatadzisa kuzadzikisa zvishuviro zvavo muupenyu.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey