Uncategorized

‘Tinorwa’

18 Nov, 2016 - 00:11 0 Views

Kwayedza

Tafadzwa Mutsotso

MURUME nemudzimai avo vanoti upenyu hwavo ndehwekugara vachirwisana kubvira pavakaroorana, vakaendesana kudare redzimhosva. Rerero Zunga akamhan’arira Tawanda Mandinyenga kuHarare Civil Court achimupomera kugara achimurova nekumudzinga pamba.“Mambo wangu, ndibatsireiwo ndatambudzika, kumba uku hakuna zororo. Murume wangu haandiremekedze, upenyu hwangu huri panjodzi’’ akadaro Zunga.
Matinyenga akaudza dare kuti mudzimai wake haamutereri nekumuremekedza sababa vemba.
“Kurovana ndihwo hutori upenyu hwedu kubva zvatakaroorana nekuda kwepamuromo paainapo uye kusaterera,” akadaro Matinyenga. Mutongi Yeukai Dzuda akapa Zunga gwaro redziviriro ndokuti vaviri ava vagarisane murunyararo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey