Tinosvika kure: Shadreck Mlauzi

18 Nov, 2016 - 00:11 0 Views
Tinosvika kure: Shadreck Mlauzi

Kwayedza

. . .MaMighty Warriors otarisa semi-fainari yeAfcon

MURAIRIDZI wemaMighty Warriors, Shadreck Mlauzi, anoti chikwata chake chiri kurwira kusvika kusemi-fainari yemutambo weAfrican Women Cup of Nations (Afcon) uyo uchatanga kuCameroon nemusi weChishanu svondo rino.Rwendo rwemaMighty Warriors rwekuenda kuCameroon rwange rwakaoma sezvo chikwata ichi change chiri kutatarika zvikuru kuwana mari yekuita gadziriro dzacho.

MaMighty Warriors ari muboka rekutanga Group A umo achasangana neCameroon, Eygpt neSouth Africa.

Muhurukuro neKwayedza svondo rino, Mlauzi anoti nguva yekuchema-chema kuti rutsigiro rwemaMighty Warriors rwange rusiri kuuya yakadarika uye chikwata chake chatarisira kunorwira mukombe weAfcon.

“Haticharambe tichitaura nezvekuti rutsigiro rwakanonoka kuuya uye hatisi kutsigirwa zvakanyanya, tave kushanda nezviripo izvozvo.

“Ndinovimba kuti vanhu vose vange vachingoona zvange zvichiitika mugadziriro dzedu.

“Ini hangu ndinoshanda zvakasimba mukurwira nyaya dzevanasikana, kunyanya vemuchikwata chedu chemaMighty Warriors. Tinoshuvira kuti patiri kuenda kuCameroon tinohwina.

“Chikuru chatiri kuda kunopinda musemi-fainari uye kana tasvikamo zvakawanda zvinoitika kumberi tinoziva kuti tinogona kupinda mufainari,” anodaro Mlauzi.

Mlauzi anoenderera mberi achiti kana achitarisa zvimwe zvikwata zviri muboka rimwe chete nemaMighty Warriors, pane musiyano mukuru zvekuti vari kutofanirwa kusunga dzisimbe kuCameroon.

“Tichitarisa nhoworondo yezvimwe zvikwata zvatichasangana nazvo, munotogona kufunga kuti hapana nhabvu yatichatamba asi chokwadi ndechekuti isu tiri kunorwa semvumba tosimudzira mureza wenyika yedu.

“Takaenda kumaOlympics uye tichashandisa zvatakadzidza kumutambo uyu kunohwinha,” anodaro Mlauzi.

Mutambo wemaMighty Warriors wekutanga uchatambwa musi wa19 apo achasangana neBanyana Bafana yekuSouth Africa. Zvikwata zviviri izvi zvakatamba mutambo wehushamwari svondo radarika maMighty Warriors ndokukundwa  3-0.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey