Uncategorized

‘Tiri kunzi tiri varoyi’

28 Jan, 2021 - 14:01 0 Views
‘Tiri kunzi tiri varoyi’ Faith Zindondo

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MUDZIMAI nemwanasikana wake vanogara pakomboni yeMukushi, kuTynwald North, muguta reHarare, vari kushushikana nerushambwa rwekugaronzi varoyi nevavanogara navo.
Faith Zindondo (27) naamai vake Colletta Zindondo (48) vanoti havana rugare nekuda kwekupumhwa huroyi kwavari kuitwa.

“Hatina rugare munzvimbo yatinogara nekuda kwekuti tinonzi tinoroya, handizive kuti zvakatanga sei? Nyaya iyi yava nenguva refu ichitaurika muvanhu vakawanda avo ndisingagone kukuudzai mazita avo asi hatizive kuti munyama here?

“Takazoguma tazvipira kuti kana zvichiita vaende nesu kumaporofita kana kun’anga kuti vanotibata pane zvavanotaura kuti tiri varoyi,” anodaro Faith.

Anoti vanobvunza vanhu ava kuti varatidzwe munhu uyo vakamboroya asi hapana anozvipira.

“Pane madzimai vanotungamirira chikwata chevanhu vanotaura kuti tiri varoyi.

“Ini naamai vangu hatitaure nevanhu saka vanoda kutimanikidza kuti tiwadzane navo. Imwe nyaya ndeyekuti pane mukomana wandinodanana naye apo ivo vanonditi ndava tsikombi vachiti handifanirwe kudanana nemukomana uyu vachiti haawirirane neni ane zera nevana vavo,” anodaro Faith.
Anoti vakatombosvitsana kumapurisa nekuda kwenyaya iyi vakagadziriswa pasina zvapo munhu akasungwa.
“Ndakabudirwa pachena nevamwe amai vatinogarisana navo vachinditi mukomana wandinodanana naye akatsvinda zvikuru, vachiti vavo vana havana vakomana vakadaro. Vamwe vasikana vanoti mukomana wangu uyu vanomudawo vachiti ini ndakoshei saka ndipo pamwe panobva nyaya dzekuti tinoshandisa mishonga yehuroyi,” anodaro Faith.

Anoenderera mberi achiti, “Nekuda kwemagariro aya ekunzi tiri varoyi, hatina munhu watinodyidzana naye muno. Baba vangu, Gift Zhuwanetsi, vakaenda kuMozambique mugore ra1998 saka dzimwe nguva vanhu vanotidherera nekuti hapana murume pamba pedu.

“Munguva ichangodarika, kune vamwe vanhu vakauya vachishevedzera kuti varoyi vakasvikodzura maruva pamba pedu asi isu hatina kuvabvunza. Izvozvi tiri kuronga kutama sezvo pano tichiroja toenda zvedu kumwe.”

Anoti nekuda kwekuti amai vake havana mazino epamberi, vanogara vachitsvinyirwa vachinzi Marabha vachifananidzwa neshasha yemitambo yemadhirama Charles “Marabha” Merisi uyo asina mamwe mazino epamberi.

Mashoko ake anotsinhirwa naamai vake vachiti havazive kuti sei vanhu vemunharaunda yavo vachivati varoyi.

“Nyaya yekunzi tiri varoyi yanetsa matinogara mukomboni umu. Hatizive kuti vakationa tichidya nyama yevanhu here, tiri kumbofamba kumaporofita kuti tionekwe kuti dzimwe nguva takaiswa minyama tigezwe,” vanodaro Mai Zindondo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey