Trusty atengwa neSheffield United

03 Aug, 2023 - 19:08 0 Views
Trusty atengwa neSheffield United Auston Trusty

Kwayedza

Auston Trusty mutambi wekuAmerica akatengwa neSheffield United nemari inosvika £5 miriyoni ($6.4m) achibva kuArsenal, apo pasara mazuva mashoma kuti mwaka mutsva wenhabvu utange.

Mutambi uyu, uyo ane makore 24 okuberekwa, akatengwa nevakomana vatsva vemuPremier League zvichitevera kutamba kwaakaita nhabvu yainwisa mvura mwaka wadarika apo aive kuBirmingham City uko akaenda nechikwereti.

Akatamba mitambo 44 muChampionship ndokuhwiniswa mubairo weBlues’s Player of the Season.

Trusty aive muchikwata cheArsenal change chichitamba mitambo yepre-season icho chakaenda kuUS masvondo adarika.

Akatamba mitambo yemaGunners apo akatamba neNuremberg uye neMLS All-Stars.

Akatanga kuenda kuNorth London achibva kuColorado Rapids munaNdira 2022. MaRapids chimwe chikwata chaStan Kroenke, muridzi weArsenal.

Trusty akwanisa kutamba kaviri kuUSMNT. Kekutanga, kaive munaKurume gore rino mumutambo weCONCACAF Nations League apo nyika yake yakatamba neGrenada, kunyangwe akambodaidzwa kuzotambira chikwata ichi muna2018 na2022.

Dai akaramba ari kuArsenal mwaka uno, Trusty aizoona ari kumashure kwaGabriel Magalhaes naJakub Kiwior mumavambi vekumashure. — SportsMail Football

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey