Uncategorized

Tsenzi yaitsvaira mumba

20 Mar, 2015 - 00:03 0 Views
Tsenzi yaitsvaira mumba

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MHUKA inodaidzwa kuti tsenzi — pachiRungu ichinzi “cane rat” — yakasiya vagari vemumwe musha uri kwaGwangwawa, kuRushinga, vasina nechekutaura apo inonzi yakaonekwa ichiunganidza dota raiva muchoto mumba ichiita seyaida kuribvisa.

Mamwe mashoko anoti zvakare kamhuka aka kakaonekwa kari mune imwe imba yekurara pamusha mumwe chetewo uyu.

Pane mamwe mashoko asina kutsinhirwa ari kuti tsenzi iyi yakaonekwa yakabata mutsvairo ichitotsvaira dota muchoto. VaKadodo Kashiri (74), avo vanogara mubhuku raMahuda, ndivo vane pamusha panonzi pakaonekwa kamhuka aka.

Zvichitevera manenji aya, murume uyu pamwe chete nemudzimai wake, Mai Retty Kashiri (70) varimirana kumuganhu nemhuri yavo iyo iri kuvapumha huroyi.

Mitemo yeZimbabwe haitendere kupumhana huroyi kunze kwekunge paine humboo hwakasimba.

Mhuka iyi inonzi yakatanga kuonekwa nemuroora wepamusha apa uyo anonzi akatiza achibva muimba yekubikira.

Tsenzi iyi yakaonekwa mangwanani. Zvinonzi muroora uyu, Juliet Kashiri, munguva pfupi yadarika akamuka ndokusangana nekamhuka aka mumba maaiva arere nemurume wake, Wilkins Kashiri.

Pakashanyirwa mhuri iye neKwayedza svondo rakapera, muroora uyu nemurume wake havana kuonekwa sezvo vainzi vakange vanowonga goridhe kumakomo emunharaunda iyi. Vamwe veukama pamusha uyu vakatsinhira nyaya iyi vachiti zvakazokonzera kuti kushevedzwe muporofita. Muzukuru wepamusha apa, Martin Kashiri (31), anoti amaninini vake (Juliet) ndivo vakatanga kuona mhuka iyi ichifamba mumba mavainge varere.

Martin akati: “Amainini ndivo vakaona mhuka iyi vachibva vakurumidza kumutsa babamudiki (Wilkins), vose ndokutiza mumba. Babamudiki Wilkins vakazoenda kumba kwaSekuru Kashiri kunovataurira avo vanonzi vakati kamhuka aka kasiiwe kakadaro nekuti kaisava nemhosva kwavari.”

Martin anoti babamudiki vake ava vakazouraya tsenzi iyi ndokuipisa mushure mekunge imbwa dzavo dzaramba kuidya.

Anoti pakauraiwa kamhuka aka vanhu vakazonoshopera vachitsvaga kuti chii chakanga chakonzera mashura aya.

“Takaenda kumaporofita tikaudzwa muridzi wetsenzi iyi, iyo aishandisa mumabasa ake uyewo ainzi ane zvikwambo nemimwe mishonga yakaipa,” akadaro Martin.

Muroora mukuru wepamusha apa, Mai Clara Mugabe Kashiri (49), vakati:

“Ini semunhu anogara kumba kwake, ndakazongonzwa kuti baba vairamba kuti tsenzi iyi iuraiwe.”
Zvakadaro, VaKashiri vanoti nyaya yekunzi nevana vavo vane mishonga yakaipa haisi itsva sezvo vanogara vachinangwa kubva nakare.

“Ichokwadi kuti mhuka iyi yakawanikwa mubhedhuru remwana wangu Wilkins umo aiva arere nemukadzi wake. Mukomana uyu akauya kwandiri achiti baba mumba mune mhuka inenge tsenzi iyo yaimhanya ichipinda pasi pemubhedha. Zvakatishamisa kuti yakapinda sei mumba maiva makavharwa gonhi.

“Ndakaenda naye ndokusvikoona mhuka iyi ndikati rega ndikauraye, iye ndakazomupa tsvimbo akapinda mumba umo akaiuraya. Zvekunzi  ndakaramba kuti iuraiwe, manyepo ayo,” vakadaro VaKashiri.

Vanotizve mhuka iyi yakazokandirwa imbwa ikadyiwa kwete zvekuti dzakaramba.

Murume uyu anoti mumwe wevanakomana vake pavana vapfumbamwe, Charles, akatombomurova achimupumha.

“Mwanakomana wangu chaiye akandirova pano achiti ini nemudzimai wangu, amai vake, tinoroya. Tinotukwa zvinyadzi pasina chinosara, dzimwe nguva tinombotizira musango nekutya.

“Handizive kuti huroyi uhwu ndakahuwana kupi, pamwe ndakatora ndisingazive. Vana ava vanoti ndine zvikwambo nemimwe mishonga yekutora mari yevanhu. Zvino mukatarisa zvandakaita izvi ndinganzi ndine mari here ini murombo akadai? Ndinotambudzika, mombe dzangu ina dzakapera kutorwa nemaporofita nanatsikamutanda vanoshevedzwa pano nevana vangu vachiti vari kuchenurisa musha,” vakadaro.

VaKashiri vanoti vanonzi nevana vavo vanouraya hama dzavo, kusanganisira muzukuru wavo mushakabvu, Netsai neaiva sazita wavo, Kadodo.

“Ndaishanda kuKaroi ndichiita basa rekutasva mabhiza, handina kana mushonga wandakatora kusvikira ivo vana ava vakura. Nyaya yandinoziva ndeyekuti ndakaenda nemukoma wangu kun’anga apedza mwedzi ari muchipatara.

Kun’anga ikoko takanzi pamba pedu paitambira varoyi saka n’anga iyi yakatipa mushonga wehupfu kuti tiise mubhodhoro tikanocherera pachivanze.

“Zvakanzi izvi zvaizoita kuti varoyi vatadze kusvika sezvo vaizoona musha wose wakakomberedzwa nedziva remvura. Hamheno pamwe ndipo pandakawana huroyi hwacho.

“Pano pamusha ndakazotora imwe n’anga tichida kuita bira ikafushira mushonga pamugwagwa wekuenda pamba ichiti zvaizoita kuti pabira iri pasaite mhirizhonga, pamwe zvakare ndiwo mushonga wacho wapanduka kuita huroyi,” vakadaro VaKashiri.

Musharukwa uyu anoti nyaya dzehuroyi idzi dzakatanga kubuda apo akanovaka kumusha mugore ra1984 ndokuzonogarako muna1987.

Kunze kwaWilkins naCharles, mumwe mwanakomana wemhuri iyi ndiThomas. “Nguva zhinji vana ava vanogara vakatsvukisirana maziso neni asi mudiki uyu, Wilkins, haadaro. Kana panyaya yetsenzi iyi vamwe vanotaura kwete iye,” vakadaro. Mudzimai wavo, Mai Kashiri, vanoti havana rugare nevana vavo nenyaya yekunzi varoyi, ivo pamwe chete nemurume wavo.

Mai Kashiri vakati: “Tine dambudziko nevana vedu tichinzi tiri varoyi asi mukuru wacho (Thomas) ndiye nhamba hwani kutipumha huroyi. Ivowo vega vana ava vanopumhana zvakare. Ini ndinonzi ndinoenda kumba kwavo ndichisvikobvisa mudzimai wake pamubhedha ndorara nemwana wangu. Shuwa kurara nemwana wangu ini nekudei?

“Tine vana 9 pamwe chete apo vaviri vakafa.”

Vakatsinhirawo nyaya yetsenzi vachiti yaingova mhuka yesango yakanga yarasika uye vakaramba zvekuti yakabuda muimba yekubikira.

“Zvakaoma kunzi nemwana uri muroyi, mwana wedu wechipiri akarova baba ava zvibhakera vakakuvara vachinzi muroyi. Tiri munhamo pano, tashaya kuti toenda kupi kana muchetura ndinogona kunwa zvangu,” vakadaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey