Uncategorized

Tsikamutanda ‘ovhara’ vanhu

15 Apr, 2022 - 10:04 0 Views
Tsikamutanda ‘ovhara’ vanhu

Kwayedza

Samuel Kadungure

VANATSIKAMUTANDA vanonzi vari kukonzeresa kusawirirana kwevanhu zvakanyanya kumabhuku maviri anoti Mudhemudhe naChirimutsitu kwaMakoni, kudunhu reManicaland.

Vagari venzvimbo idzi vanonzi vari kurasikirwa nemari pamwe nezvipfuyo vachitsvaga rubatsiro kun’anga idzi.

Vanatsikamutanda ava vane makore ari pasi pemakumi mana okuberekwa, vane mhotsi uye vanotaura mutauro wevechidiki.

Nenyaya yekuda kubatsirwa kuchenura nzvimbo yavo, vagari vemumabhuku maviri aya vanonzi vanogara vachifungirana zvakaipa uye vanatsikamutanda vari kutora mukana uyu kubira ruzhinji mari neimwe pfuma.

Vazhinji varasikirwa nemari uye zvipfuyo mushure mekupomerwa kuti vakawana upfumi nekuromba.

Vanatsikamutana ava vanonyepera vanhu vachiti vari kuona nyoka, zvidhoma, mishonga yakaipa nezvimwe zvine chekuita nemabasa ehuroyi.

Vanonzi zvakare vari kuisa zvinhu izvi mudzimba dzevanhu chiverevere, pashure vozovapomera kuti ndezvavo.

Zvichitevera nyaya yakabuda mubepanhau rino nguva pfupi yadarika yekabhokisi kadiki kekuvigira mwana ako kaiva nehuku nenyoka mhenyu mukati mubhuku raChirimutsitu, vanatsikamutanda vanonzi vakaenda kunzvimbo iyi nechinangwa chekutsvaga varoyi.

Bhuku iri rave kuita senzvimbo yekurapira uye kwava nemitemo yakaoma inofanira kutevedzwa.

Mafoni nemakamera haatenderwe kunze kwekunge munhu apihwa mvumo yekuti azvishandise.

Zita ratsikamutanda anonzi ari kuchenura nzvimbo iyi harisi kuburitswa uye zvinogona kuve zviri kuitirwa kuti pasazoita anovasungisa chero vabva munzvimbo iyi.

Vechidiki vazhinji, avo vanenge vakadhakwa, vanoimba nekutamba vanatsikamutanda vachiita basa ravo “rekuvhara” vanhu.

Zvisinei, kune vamwe vari kuona kuti vanatsikamutanda vari kubata vanhu kumeso.

“Vanatsikamutanda ava ndivo vakaisa kabhokisi kudhamu kakaonekwa kari pamusoro pemvura. Yakanga iri nzira yekuda kupinda mubhuku muno,” anodaro mumwe wevagari vemubhuku raChirimutsitu uyo anoti haadi kuzivikanwa zita rake.

“Vemunharaunda vari kunyengedzwa kuti vabhadhare zvinhu zvavanoudzwa mune zvakanaka. Vanhu ava vari kuba mari yedu, mombe, mbudzi nehuku. Vari kunyanya kushungurudzwa ndevechikuru.

“Pafungei kuti mumwe tsikamutanda akabvisa nyoka hombe mhakure mushati yemumwe munhu. Yanga iri pai mushati yemunhu nyoka iyoyo nekukura kwayo?

“Sei vachingobata mhakure chete? Asi inyaya yekuti hadzina hukasha hwakanyanya uye nekuti dzinopusa kana dzikaona vanhu vakawanda. Sei vasingabate mhungu kana rovambira?

“Nyaya haisi yekuda kubatsira vagari vemuno asi kuti ndeyekuda kuti ivo vaite mari nekuti mari yavanoda yakawandisa. Izvi zvakanganisa kugarisana munharaunda nemumhuri dzemuno.”

Mumwe akatipa nyaya iyi anoti vanatsikamutanda vakapinda mumisha yakawanda vakabvisa zvinhu zvinotyisa kutarisa izvo vaiti ndizvo zvaikonzeresa kufa kwevanhu kusinganzwisisike.

Pane rimwe vhidhiyo riri kutenderera padandemutande apo vanatsikamutanda ava vanoonekwa vachimwaya hupfu kunaSekuru Mukogo apo vanenge vakabata tsvimbo nemaoko ose.

Sekuru ava vakanga vaine madzimai mana avo vakafa zvisinganzwisisike.

Imba yavo yekubikira yakabatira moto nguva pfupi yadarika, vanhu vakaedza kuudzima asi zvakaramba uye vanhu pavakada kuchera mvura mumugodhi, vakatadza sezvo wakanga wakavharwa nezidombo.

Nyaya dzese idzi dzakashandiswa nanatsikamutanda senzira yekutsikirira sekuru ava.

VaMike Nhunhu vanotsanangura maitiro aya sekubira vanhu pachena.

“Izvi zvakamboitika kubhuku kwedu asi takazozviona kuti tainyeperwa. Vanhu vanofanira kurega kutenda muzvinhu zvakadaro,” vanodaro.

VaManuel Kumbulani-Matiza vanoti maitiro aya haatenderwi pamutemo uye vanatsikamutanda vanofanira kusungwa voendeswa kujeri nenyaya yekunyepera vanhu pamwe nekuvabira upfumi hwavo.

“Fungai kunyadzisa nekusawirirana uye zvinopunza mhuri nekusagadzikana munharaunda. Vanatsikamutanda vanoti vanoda mombe semubhadharo asi ndihwo upfumi hunenge hwakachengetedzwa nevagari vekumaruwa.

“Vanotora mukana wekuti vanhu havana chavanenge vachiziva uye vagara vachifungirana,” vanodaro.

Mukuru wesangano rinomirira machiremba echivanhu reZinatha, VaGeorge Kandiero, vanoti vanatsikamutanda ava vanofanirwa kusungwa sezvo zvavari kuita hazvitenderwe pasi pemutemo wenyika.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey