‘Une chipfambi chinosemesa’

08 Apr, 2016 - 00:04 0 Views

Kwayedza

Janet Chikotosa
MUKADZI wekugara achida kuchekwa nebanga nemurume wake pavanonetsana nenyaya dzekuti haabvire mumadhirezi akazopotera kudare. Precious Chikati akaendesa Dzamisai Chikati kuHarare Civil Court achiti afunga zvekusiyana naye nekuda kwekushungurudzwa.

“Vakuru vedare, ndatambura nemba yangu ndokusaka ndiri pano nhasi kukumbira gwaro redziviriro. Murume wangu uyu ndagara naye makore gumi asi haachinje hunhu hwake. Chipfambi chakapinda murume wangu chakanyanyisa zvekuti haasisina kana nyadzi.

“Handina kumbofunga kuti munhu akaroora anosvika pakuita chipfambi chinosemesa kudai. Kubvira ndiroorwe ndozvaanga angori asi ndakati semunhukadzi, regai ndimboshingirira imba yangu pamwe zvinochinja.

“Akandiburitsira banga kanokwana kana achiti anoda kundiuraya. Kuramba ndiri mumba makadai chasara kuuraiwa chete. Saka ndati zviri nani ndibude zvangu ndigare ndakasununguka,” akadaro.

Precious akati kurega kutapurirwa hosha yepabonde nemurume wake inyasha dzaMwari nekuti nekuti haabvire mumadhirezi.

“Hapana rudzi rwemukadzi rwaasingazive, vakobvu, vapfupi, varefu, vatete, vatsvuku nevatema. Kana iri nyaya yekurohwa nekutukwa, handichataure. “Akangobva kushamwarikadzi dzake anenge aine hasha dzisingaite. Anenge ave kutondisema. Takatombogariswa pasi semhuri asi vakaona zviri nani kuti dai tambosiyana nokuti chipfambi chacho chanyanya,” akadaro Precious.

Dzamisa haana kupokana nezvaitaurwa nemukadzi wake asi akati asiya mabasa ake akaipa ekugara achimurova nekuita chipfambi.

“Handipikisani nemashoko emudzimai wangu. Asi haabvume kuti ndakasiya mabasa angu akaipa aya,” akadaro Dzamisai. Mutongi Barbra Mateko anopa Precious gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey