Uncategorized

Une muromo wenyoka

16 Dec, 2016 - 00:12 0 Views

Kwayedza

TINOTENDA Mwari vanodonhedza nyoka kubva muBhaibheri muchechi kwaMuroyi. Nyoka imhandu yedu kubva kare, uye vanonyatsoverenga Shoko raMwari vanoziva kuti nyoka ndiyo yakashandiswa semuromo nesvikiro rekutanga naSatani paakaenda kuna Evha akanomunyengedza.Satani akapinda munyoka, akashandisa muromo wenyoka kutaura manyepo. Nhasi uno Satani ari kupinda muvanhu achishandisa miromo yedu kutaura zvinouraya.

Nyoka nehuroyi hazvina nzvimbo muchechi, uye kudonha kwenyoka hakureve kuti Satani akakunda Mwari. Kudonha kwenyoka kubva muBhaibheri kunoratidza simba raMwari.

Mwari chiyedza, uye maari hamuna rima. Bhaibheri ishoko raMwari, shoko raMwari ndiMwari nekuti vakataura kuti pakutanga Shoko rakanga ririko, shoko iri riri kuna Mwari, rikazove munhu, anonzi Jesu.

Mwari havarwirwe. Mwari havadye sadza kumba kwako nekuti nyika yese nekuzara kwayo ndeyavo. Mwari havatyisidzirwe, uye havakundwe. Zvinoshamisa kuti kana pachinge paita chiitiko sechatiri kutaura nezvacho, chenyoka yakadonha kubva muBhaibheri, vanhu tinomhanyira kunorumbidza rima nevaroyi.

Mutukudzi akati kana ukanzwa musoro uchitema, kutema kwemusoro harisi iro dambudziko, asi chaita kuti musoro uteme ndicho dambudziko.

Zvinoshamisa kuti nyaya yakaitika muchechi asi nyanzvi dzakabvunzwa dzakamhanyira kunotaura nezvehuroyi. Ichokwadi huroyi nevaroyi variko, asi sei huroyi uhwu hwafumukira muchechi? Ndipoka patinoti jee ijee zvaro, asi dzihwa harigochwe.

Huroyi nerima zviriko, asi zvinozviziva kuti kune anotonga nesimba anonzi Jesu. Simbi dzebasa dzevaroyi dzingafarise zvekupinzwa muchechi, asi chechi haizi rima, neBhaibheri harisi hari kana dura rinochengeterwa zvidhoma, nyoka nemazizi.

Chechi imba yaMwari yakakumikidzwa naJesu achiti, “pamusoro peruware urwu ndichavaka kereke yangu, uye masuwo eHadhesi haangaikunde.”

Mwari havanyadzise, vanotaura chokwadi. Kana Jesu akati rima harikunde chiyedza, isu vanotenda tinobva tati “ameni.” Nekuti hakuna Shoko raMwari richashaiwa simba. Richaita zvaakarituma. Nyoka dzichashaya pekuhwanda, uye huroyi huchafumuka sekufumuka kuchaita maporofita enhema nemabasa awo.

Ndinoshamisika kuti nemamwe maKristu anokurumidza kukanganwa Shoko raMwari munguva dzakaita seidzi nekuda kwekuti nyoka yadonha kubva muBhaibheri. Munguva dzakadai, maKristu anosiya Bhaibheri otanga kuteerera mharidzo dzemafungiro nemaonero evanhu. Unotonzwa muKritsu achitaura nyaya yakadai achipembedza nekusimbisa huroyi.

Asi Bhaibheri rinomboti kudiiko? Ko hamuna here kuverenga nezvenyoka dzevaroyi vaFaro dzakamedzwa nenyoka yaMoses?

MaKristu dzimwe nguva anenge vatambi vebhora vari kufarira kuzvigohwesa. MaKristu anofarira kutaura nezvesimba raMweya Mutsvene, asi haagamuchire kushanda kwesimba iri muhupenyu hwedu. Pamwe chikonzero ndechekuti hatisati tanyatsoona simba raMwari rekushandura zvinhu, uyewo rugare rwunovepo kana tichigara muShoko raMwari kwete mumashoko evanhu vari kutsanangura huroyi.

Endai kuchechi kunosimbisana. Endai kuchechi kunodzidziswa naMwari. Musapedzere simba kumuganhu iwo munda uchirarira. Musarege kuenda kuchechi nekuti kwakadonha nyoka muBhaibheri.

Ngadzitoramba dzichidonha nyoka dzakawanda kuti vanhu vazive kuti kudenga kuna Mwari.

Ngatisashaisa Shoko raMwari simba, uye chikuru ngativhure mwoyo yedu kuti Mweya Mutsvene atitungamirire muzvinhu zvese.

Ndichipedzisa zvangu nyaya yehuroyi hwekwaMuroyi, ndinoti kwauri muverengi, “Mudzidzisi wako ndiani?” Vazhinji vedu tave kudzidziswa chero nembwa chaidzo. Mwoyo yedu yave mvengechere susu regudo rinodya zvese zvese asi risingarutse!

Uri kupedzera nguva yako pazvinhu zvipi? Ko imi vatendi vekwaMuroyi kubva pakadonha nyoka muri kutaura naMwari here kana kuti muri kuita makuhwa? Kubva pakadonha nyoka muri kutaura nezvehukuru hwaMwari here, kana kuti muri kutaura nezvekukura kwenyoka nevaroyi?

Kufanana nevarume vaienda kuEmausi, muchafunga kuti Jesu akafa, asi imi muchifamba naye!

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey