‘Uri kudanana nemuramu’

11 Sep, 2015 - 00:09 0 Views

Kwayedza

Kudakwashe Chinokuya
MUKADZI wekuti ari kudzingwa pamba nemurume wake achimuti “apera basa” akazokwidza nyaya iyi kudare. Taurai Mafamba akamhan’arira Jaspa Gororo kuHarare Civil Court achiti aoneswa pfumvu nekushungurudzwa.

“Ari kundidzinga pamba achinditi ndapera basa. Anogara achindituka pamberi pemwana. Nyaya iripo ndeyekuti ndine munin’na wangu watinogara naye waari kudanana naye.

“Pekutanga ndaimboti vari kuita chiramu asi ndakazoona kuti vari mumambure erudo. Ndakataura nemurume wangu ndichiti hazvichaita kuti tigare naye iye akaramba kunzwisisa,” akadaro Mafamba.

“Pari zvino ndakatakura mimba yake ine mwedzi miviri asi akandizvambaradza zvekuti ndava kutya kuti anogona kundivhiringidza nezvandiri izvi nekudaro ndakaona zvakakodzera kuti ndidzokere kumba kwevabereki vangu.

“Pandakabuda pamba apa mainini vakateverawo kuri kunyara kuti zvinozobuda pachena. Izvozvi murume wangu ari kugara nemumwe mukadzi ari kushandisa midziyo yangu,” akadaro.

Gororo akapokana naMafamba achiti: “Changamire, mukadzi uyu ari kunyepera dare. Iye ndiye asingawirirane nemunin’ina wake saka ava kuda kundiisa pakati pavo. Rimwe zuva akanyima munin’na wake chikafu ndakatarisa ndikamubvunza kuti anozviitirei akati zvanga zvisina basa neni.

“Akanditi haachadi kugara naye achida kuti ini ndimuudze izvozvo ndikati handizvigoni. Ndakati vataurirane vari vaviri sevana vemunhu mumwe asi iye akaona kunge pane zviripo. Takanetsana nenyaya iyi ini semurume ndakaona zvakakodzera kuudza hanzvadzi dzake kuti dziuye kuzotora mainini. Zvekuti ndinomurova handizvizive.”

Mutongi Barbra Mateko akapa Mafamba gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey