Uncategorized

Uri sei muto wenyama yembwa?

18 Aug, 2017 - 00:08 0 Views

Kwayedza

naIgnatius Mabasa —
SAKA kuSizinda neku- Mpopoma, kuBulawayo uko muri kudyiswa nyama yaBhingo? Kikiki seka zvako kuseka kwepa WhatsApp!

Nhamo yenyu iri yekuti kana mukangonzwa kuti kune zvinhu zvakachipa, motowanikwa mave kuita chipitipiti ikoko. Hamurohwe nehana uye hamubvunze kuti sei nyama iyoyo yakachipa kudaro?

Asika, zvakachipa zvine mudhuriro wazvowo. Nyama yakachipa kunge sokisi remubhero rinoita 50 cents haisi nyama kwayo. Yakafanana nekutenga bhuku rekufotokopa, hongu ibhuku, asi kana ukawana pamwe pakadzimika, uye pamwe pasina mapeji hauna wekubvunza nekuti wabvuma kukwira kombi usina kubvunza kuti iri kuenda kupi.

Nemiwo vanhu muchinyanya kungoti pese pese pamasvika mobva matosvikirwa neshavi rekutenga nerekudya. Mungave mubhazi chaimo, munhu achingopinda chete, ave kunzwa kuda kutenga. “Iwe mafetikuku imarii?”, “Iwe, huya nemachipisi.”, “Nhai, madhonatsi ari kuita marii?”

Zvimwe zvinoitwa nevanhu kushaya kuzvidzora chaiko, nekuti kuwanda kwaita vanhu vanotengesa zvekudya mumadhorobha, zvinoreva kuti tisu tinovasimudzira nekuti tinotengera huchapa, uye tochidyira huchapa. Pese-pese unoona munhu atenga mabhanana, atenga mahewu, atenga chibage chakagochwa chiri kutengeswa nemunhu asina kana kugeza maoko.

Kana munhu uye achitenga, naiyewo asina kugeza maoko anobva atotanga kuchapfanya kunge munhu ari kufoshora achikanda ivhu pamusoro pebhokisi riri muguva.

Mweya iwoyu wekungotenga nekutsenga pese-pese, tichitenga zvese-zvese ndiwo mweya unotiita kuti tingoti nyangwe nebenzi rangomira parutivi penzira, rikati ndinoporofita kana kuti ndinorapa tiritevere nekuriterera. Zvimwe zvinhu semaiwo mushandise njere vanhu.

Unoziva pane zvimwe zvinhu zvinoda kuti vanhu mushandise pfungwa. Makamboucherechedza here mufananidzo waNdebele wacho anotengesa nyama yembwa? Kungomutarisa chete, pane zvinobva zvatokuudza kuti anogona kunge achirwara nepfungwa.

Vhudzi rake nendebvu zvakati nyandu nekuchachavara. Kuzoti tsvina iri pahembe dzake!

Chinonzwisa tsitsi ndechekuti kune vanhu vanohodha nyama yembwa kuna Ndebele vachitoti zviri kufaya. Zvotiwo vanotenga nyama yembwa vachitiwo, “Zviri kufaya nekuti tinodya nyama mazuva ese!”

Handizive kuti chii chauri kukoshesa uchishambadzira vanhu kuti chiri kufaya muupenyu hwako. Asi munguva dzino dzatiri chenjerai kutenga nekutengeserwa manyepo akachenama senyama yembwa. Inga zvinonzi benzi bvunza rakanaka wani?

Mufunge zvenyu, hamusi mega kuBulawayo muri kutengeserwa tsvina. Kana kuHarare, kune vanhu vari kutengesera vanhu sadza nematumbu enguruve! Kutanga riinhi matumbu enguruve achidyiwa? Iwo matumbu anongozouya akakangwa aiswa madomasi munobvuma kuti ndeenguruve sei imi manga musipo paasvinwa akagadzirwa? Haasi matumbu enguruve chete ari kutengeswa muHarare, huku dzadai kuita murakatira nezvirwere zvedzihwa rehuku tiri kunzwa kuti dziri kutengeswa muMbare nekwaMachipisa.

Mukabvunza vanotambira muMbare vanokuudzai kuti unogona kudya sadza ne”half chicken” yedhora. Dhora rekutenga huku yakaora nedzihwa rehuku!

Saka imi vanhu vekuSizinda neMpopoma nyama yaBhingo yamunotengeserwa naNdebele munoti ari kuiwana kupi mukati meguta musina pekufudzira mbudzi kana pekuchengetera nguruve nemombe?

Kana muri muHarare, unotoshaya kuti kanzuru yakafa here? Nekuti nepakati peHarare chaipo, unoona vanhu vachigocha chibage. Ukaona munhu owana zvivindi zvekubatidza moto munaNelson Mandela, munaRobert Mugabe, munaFirst Street achigocha chibage kureva kuti anoziva kuti hapana anomubvunza.

Ndinozviziva kuti mari iri kunetsa, asi Mwari haasi kunetsa uye haakudyisei imbwa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey