‘Usandirambe, handina kwekuenda’

26 Jul, 2019 - 00:07 0 Views

Kwayedza

Ashley Muchamiri
MURUME anova samusha anoti ari kuoneswa pfumvu neaimbova mudzimai wake uyo anogara achimurova zvisinei nekuti akamupa gupuro pamberi patete vake asi iye ari kuramba kurambwa.

Colias Mwale ndiye akamhan’arira Eulet Murwira kuHarare Civil Court.

“Ndauyawo kuno nenyaya yekuti mukadzi uyu aimbova mudzimai wangu, asi anondituka nekundirova zvikuru pamberi pevana. Ndinoda kuti abve pamba pangu,” anodaro.

Mwale anoti akapa Murwira gupuro iye ndokurirasa uyezve akamboedza kupa gupuro iri kuna vatete vemudzimai wake asi vakarambawo kuritambira.

“Mudzimai uyu ndakamupa gupuro kare kare asi iye akarirasa ndikaedzazve kunoripa tete vake avo vakariramba. Asi handichamuda nekuti ndakatowana mumwe mudzimai wandava kugara naye,” anodaro Mwale.

Murwira anoti haapokane nezviri kutaurwa naMwale asi haana kumwe kwekunogara kana akabva pamba apa.

“Ishe wangu, ini handipokane nezvaari kutaura asi handina kwekugara kana ndikabva pamba apa. Vabereki vangu vari kumusha uye handina mari yebhazi yekuendako,” anodaro.

Mutongi Nyasha Marufu akapa Mwale gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey