Utano hwepfungwa hwakakosha mudzidzo yevana

20 Jun, 2023 - 12:06 0 Views
Utano hwepfungwa hwakakosha mudzidzo yevana VaFarai Chitimbo

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

WORLD Vision yakabatana nebazi redzidzo yepuraimari nesekondari muzvirongwa zvinosanganisira kusimudzira utano hwepfungwa hwevadzidzi nekuvaka zvivakwa muzvikoro zviri kuRushinga.

Nguva pfupi yadarika, World Vision yakaita chirongwa chemitambo yenhabvu nenetball pachikoro cheChomutukutu Secondary School, chiri kwaMambo Rusambo, senzira yekucherechedza vechidiki neutano hwepfungwa uye kusvitsa makore 50 kwesangano iri richishanda zvine mutsa (50th Anniversary and National Child and Mental Youth Day Celebrations).

Vachitaura pachiitiko ichi, VaFarai Chitombo – avo vanova area programmes manager kuWorld Vision – vanoti donzvo guru nderekusimudzira nyaya dzedzidzo munyika.

“Utano hwepfungwa hwakakosha zvikuru nekuti kana vana vakafunda vaine kushungurudzika mupfungwa, mukupera kwegore vanokundikana muzvidzidzo zvavo. Utano hwepfungwa hwemwana vechikoro hunogona kukanganisika nekuda kwenharaunda yaanenge achigara, sokuti mwana kana achigara munharaunda ine ruzha, ine mabhawa kana kurwisana kunoitwa nevabereki mudzimba, zvinomukanganisa.

“Zvekare nyaya dzekutorwa kwezvinodhaka nevechidiki ndiro rimwe dambudziko guru renyika rinoda mukomberanwa kuti ripedzwe,” vanodaro.

VaChitombo vanoti vamwe vana vanopedzisira vava kurwara nepfungwa, kuremara mitezo kana kurasikirwa neupenyu nekuda kwekutora zvinodhaka.

“Tiri kushanda nesimba kuti tisimudzire nyaya dzedzidzo munzvimbo ino yeRushinga. Vechidiki ngavasiyane nekumhanyira kupinda munyaya dzepabonde nekuti ndidzo dzimwe dzinokanganisa dzidzo.

“Tiri kuvaka mamwe makirasi ekudzidzira zvekuti pari zvino takatovaka chivakwa chekufundira chine makamuri masere mukati memakore maviri nechidimbu ayo takatanga kushanda muno. Takavaka zvekare zvimbuzi muzvikoro gumi zvine mupanda wekuti vanasikana vanokwanisa kubatsirika panyaya dzeutsanana panguva yekutevera,” vanodaro VaChitombo.

Vanoti vari kuwanisa zvekare vagari venzvimbo iyi mvura yakachena yepapombi mumakiriniki nemuzvikoro zvinosanganisira Kamanika Secondary neMasowe Bridge Secondary School, pakati pezvimwe.

“Takaona kuti dambudziko rezvirwere zvemanyoka secholera rinonyanya kutekeshera munzvimbo dzinowanza kuungana vanhu semuzvipatara nemuzvikoro zvikaita kuti tivatsigire nemvura yemupombi kuti vakwanise kuchengetedza utsanana.

“Mumakwikwi emitambo, takapa zvikoro zvakakunda mabhora nemidziyo yekushandisa izvo zvichabatsira vana kuti vawane zvinovavaraidza uye tinocherechedza zvipo zviri muvana tichizvisimudzira,” vanodaro.

Mambo Rusambo – VaGlendmore Kangora – vanoti vanofara zvikuru nematanho ari kutorwa neWorld Vision nevamwe vatsigiri mukusimudzira nyaya dzeutano hwepfungwa hwevana izvo zvinoita kuti vakwanise kudzidza zvakanaka.

Ishe Rusambo

“Tine vana vatinobatsira nechirongwa cheZunde RaMambo avo vanobva kumhuri dzinoshaya. Tinovapa chikafu kuti vakwanise kunodzidza vakaguta. Vana ivavo vanoda kutsigirwa kuitira kuti vasarasikirwa nedzidzo.

“Kana nyika ikavafuratira vanomitiswa, kusemwa kana kugumisira vava kurarama mumigwagwa vachipemha zvinova zvinokanganisa utano hwepfungwa hwatiri kutaura nezvaho. Pfungwa dzevana vechikoro dzinogadzikana kana vachiwaniswa zvinovakwanira,” vanodaro.

VaWebster Jasi, avo vanova learner welfare officer kubazi rezvedzidzo yepuraimari nesekondari kuRushinga, vanoti vana vanoda kuchengetedzwa, kunyanya munguva ino apo nyaya dzekutorwa kwezvinodhaka dziri kuwanda.

“Mikoto yose iri kupinda nezvinodhaka inofanira kuvharwa, zvikuru kuno kwatiri pedyo nemiganhu yenyika apo vanhu vanopinda nekubuda munyika yeMozambique nenzira dzemikoto. Vamwe vanoshandisa midhudhudhu, vamwe tsoka chaidzo nekuti tiri padyo zvakanyanya vachiunza zvinodhaka zvichiguma zvava mumaoko evana vechikoro. Imi vana dzidzisikai, ityaiwo zvakaipa uye nzwirai tsitsi miviri yenyu nekuti inosakadzwa nazvo zvinodhaka izvi,” vanodaro.

Vadzidzi vemuzvikoro zviri muRushinga

VaNicholas Ndabambi vanova District Development Officer kubazi rezvemadzimai nekusimudzirwa kwemabhizimusi madiki neari pakati nepakati kuRushinga vanoti vana vechikoro vanofanira kushingirira mudzidzo yavo kuitira kuti vave neremangwana rakajeka.

“Hazvirevi kuti kana ukakundikana padzidzo yekunyora nekuverenga upenyu hwako hunenge hwapinda musango, asi kuti tine zvekare makoreji anofundisa mabasa emaoko akadai sekurima, kuveza nezvimwe zvinoita kuti raramo yako isanduke. Chakakosha kuva munhu akarongeka ane chinangwa chebudiriro,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey