Uncategorized

VaDoma pfacha paTilder Show

15 Sep, 2017 - 00:09 0 Views
VaDoma pfacha paTilder Show

Kwayedza

Kingstone Mapupu —
VANHU verudzi rwechiDoma avo vanogara kuKanyemba, kuMbire, mudunhu reMashonaland Central vanorumbidza chechi yeProphetic Healing and Deliverance (PHD) Ministries, iyo inotungamirirwa naProphet Walter Magaya nekubatsira kwairi kuita mukuvandudza upenyu hwavo.

VaDoma vanogara kwaMambo Chapoto kumuganhu weZimbabwe nenyika dzeMozambique neZambia uye vanorarama nekuvhima mhuka dzesango vachidya midzi nemichero yemudondo.

Upenyu hwavo hunogara huri panjodzi yekudyiwa nemhuka dzesango seshumba uye havagare mudzimba asi mumatara avanovaka nemapango ayo anenge akakwirira senzira yekuchengetedza upenyu hwavo kubva kumhuka.

Chechi yePHD Ministries inovimbisa kusimudzira nzvimbo yeKanyemba nekuvaka zvikoro, makiriniki, kuvakira vanhu misha yakanaka, kuendesa vana kuchikoro nekuvatsvagira mabhindauko ekuita.

“SePHD tine hurongwa hwakasimba nevanhu vechiDoma. Takaona kuti pane kutyorwa kwekodzero dzavo dzakawandisa, vanasikana vari kuroorwa vari vadiki, zvikuru pasina kuenda kuzvikoro. Tinoda kuvabvisa mumasango mavanogara tovavakira dzimba dzakanaka,” anodaro Melanie Kanyepi wekuPHD Ministries.

Chechi iyi iri kushanda pamwe chete naMambo Chapoto kusimudzira vaDoma.

Svondo rapera Prophet Magaya vakatora vamwe vaDoma vanosvika 400 avo vakatakurwa nemabhazi ndokuendwa navo kuHarare nechinangwa chekuvandudza raramo yavo.

Vamwe vevanhu ava vakatengerwa zvinosanganisira mbatya neshangu.

Muhurukuro neKwayedza, Sadunhu Mutyoramwendo VaBigboy Chinembiri (30) vanoti dunhu ravo rakasarira zvikuru uye vanotenda rubatsiro rwavari kuwana kubva kuPHD.

“Irombo rakanaka kuti Prophet Magaya nechechi yavo vakatiyeukawo. Hatina zvikoro, makiriniki uye takasarira shure zvikuru. Tave kutarisira kwavari kuti vatibatsire, zvipfuyo zvedu zvatinoti ndiyo pfuma yedu zvapera kudyiwa nemhuka dzesango,” vanodaro Sadunhu Mutyoramwendo.

Vamwe verudzi urwu vanoti vari kurasikirwa nehama dzavo idzo dzinouraiwa nemhuka dzesango.

Mumwe mudzimai akangozivikanwa nekuti Mai Tracey anoti akasara ave shirikadzi pakadyiwa murume wake neshumba.

“Ndakasara ndava shirikadzi apo murume wangu akadyiwa neshumba mugore ra2010 ndokusiirwa vana 7. Vakamuka vachienda kumunda ndokuzotaurirwa nemukomana aibva kubhora kuti vainge vadyiwa vakasara mapfupa chete. Mukomana aibva kubhora uyu akarwiswawo akazopona nekupotsera shumba mavhunze emoto,” vanodaro Mai Tracey.

Vanoti shumba mbiri idzi dzakazouraiwa dzikavhiiwa kukaburitswa dzimwe nhengo dzemutumbi wemurume wavo, kusanganisira musoro.

Mai Rangwani vanotiwo vakaurairwa murume wavo nekutungwa nenyati vakasara vave shirikadzi.

VaAlfonso Daniel vanoti vakatungwa nenzou vaenda kunotema mapango navadzimai vavo apo vakasangana nenzou ina.

Zvichakadai, vamwe vaDoma nemusi weChipiri svondo rino vakawana mukana wekupinda pachirongwa cheTilder Show icho chinoitwa panhepfenyuro yeStar FM.

Vamwe vavo pavakapinda munhepfenyuro iyi vaida kutiza nekutya michina irimo.

Mumwe murume – uyo akati anonzi Jimba – anoratidza kuti ane makore ari pakati pe30 ne40 okuberekwa uye paakabvunzwa nemushamariri Tilder kuti ane makore mangani akati ane 4.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey