Vaimbodanana vatosvorana

25 Dec, 2015 - 00:12 0 Views

Kwayedza

Nyasha Chabvonga
MUMWE mukadzi anoti murume wake ane katsika kekutuma shamwari yake kuti imufonere obva azomuti ipfambi anodanana naye.

Vimbai Muzvidziwa akamhan’arira murume wake Morgan Muzvidziwa kudare reHarare Civil Court achiti anomushungurudza zvikuru nekumutuka, kumunyima mari pamwe nekumudzinga pamba.

“Vedare, ini ndaneta nemaitiro ababa ava, vanondituka magaramoyo chaiwo. Chikafu havatengi asi kundipumha zvikomba ndozvavanogona. Vakanditi ndine zvikomba mapurisa mushure mokunge ndavamhan’arira zvavanondiita.

“Unoti hauchandida iwe, magirlfriends ako anondifonera achindituka uye unotuma shamwari yako kuti indifonere wondipumha chipfambi uchiti chikomba chako saka chibva pano,” akadaro Vimbai.

Morgan akapokana nemashoko aya achiti mukadzi wake ndiye anomushungurudza achimunyima mari kuti vabatsirikane sezvo achishandawo semurairidzi.

Ndakaona tsamba mufoni mako yakandirwadza zvikuru yaiti, ‘Mrs Muzvidziwa l miss you. We have unfinished business. Where are you? (Mai Muzvidzwa ndiri kukusuwai uye pane basa ratisina kupedza. Muripiko?” akadaro Morgan.

Mutongi Ruth Kamangira akapa Vimbai gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey