Uncategorized

Vakadzi 20 voitwa ‘party’ nezvidhoma

12 May, 2017 - 00:05 0 Views
Vakadzi 20 voitwa  ‘party’ nezvidhoma

Kwayedza

‘. . . hazvidi kuti tiroorwe’
‘. . . zvinotova neshanje’

Kingstone Mapupu —
VANHUKADZI vemhuri imwe chete vanodarika 20 vekuBuhera South vanonzi vari kuoneswa pfumvu nezvinhu zvinonzi zvidhoma, izvo zviri kushinha navo pamadiro zvichivaitira shanje zvekusvika pakuvatadzisa kuroorwa.

Vane ruzivo nezvemashiripiti emhando yakadai vanoti vakadzi ava vari kuitwa madzimai neanonzi ma”spiritual husbands” – vanova varume vemweya yakaipa.

TARISAI CHAPANDUKA

Vamwe vaviri vevakadzi ava, mushure mekuona kuti havangarambe vachingokuvarira mukati, svondo rapera vakazozvipira kuKwayedza vachiti vari kuitwa madiro nezvidhoma uye vari kutsvaga vanovabatsira mushure mekunge vamboedza kwakawanda asi zvichiramba kupera.

Mukoma nemunin’ina Tarisai (33) naOrlinda (31) – avo vakarambiswa nevarume vavo nezvidhoma – vanoti vanoitwa vakadzi nezvinhu izvi husiku nemasikati.

Mhuri iyi igere kwaChapanduka, kwaNyashanu.

“Sesu, takaberekwa tiri vasikana vana, asi izvozvi tose hapana ane murume. Ini wangu akatiza akaenda kuSouth Africa uyuwo munin’ina wandiinaye pano akaroorwa nevarume vaviri vachingomuramba. Mumwe mwanasikana wemumba medu ari kuSouth Africa haanawo murume kuchiti mumwe ari kuShurugwi asi akafirwa nemurume wake nekuda kwezvinhu izvozvi.

“Zvine shanje nesu kuti tisaroorwe. Zvinombonziwo takaberekeswa mweya wengozi tichinzi tiri madzimai akaripiswa ngozi asi mhuri yose here?” anodaro Tarisai.

Vakadzi vaviri ava vanoti madzibaba mumhuri yavo vakapera kufa ndokungosara nehanzvadzi uye hapana anokwanisa kugadzirisa dambudziko ravakatarisana naro.

Vanoti pamwe chete, kune vanhukadzi vanodarika makumi maviri vemudzinza ravo vasina kuroorwa – vose vachingooneswa ndondonezvinhu izvi.

Vanotizve vanhukadzi ava – vose vakakodzera kugara mudzimba nevarume – vanodzoka mumusha wavo mushure mekurambwa kana kufirwa nevarume.

“Vanasikana vakadzoka kuvarume mumusha medu havaverengeke. Kunoti isu, Shami, Tariro, Rumbidzai, Melody, Brenda, Pretty, Talent nevamwe vakawanda. Izvi zvave kukonzera musha wedu kunzi musha ‘wemasister’ asingaroorwe, minyama yacho haiperi,” anowedzera Tarisai.

Tarisai anoti dambudziko iri rakatanga achiita Form 2 apo aipomerwa zvinhu zvaasina kuita nekugara achingorohwa, kunyangwe nevanhu vanorasa njere.

“Takabva kumusha kwedu kuBuhera tikanokurira kumusha kwaamai kwaMutoko, asi tiri ikoko zvaingoitika. Ndakazoroorwa asi murume aigara achirwa neni achinditi ndiri mukadzi wezvikwambo.

“Nyaya iyi yakazokonzera kuti murume wangu atize kuenda kuSA uko asina kuzodzoka kusvika nhasi,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti: “Izvi zvimwe chete kuvanasikana vose vekudzinza redu. Seni, ndinonzwa munhu achipinda mumba ndakasvinura kana kupinda mumagumbeze ndotopedzwa neni, kwete kuti ndakakotsira.

“Dzimwe nguva zvidhoma izvi zvinokusiya wadhamba zvekutadza kufamba, kana kumuka haugone. Kana ndiri ini ndinotanga kurwadziwa nemudumbu, kuita sendinoda kusununguka mwana zvozopera ndanwa mvura inopisa.” Tarisai naOrlinda – avo vari kugara mumba mumwe chete kuChitungwiza – vanoti dambudziko iri rinovawira panguva imwe chete, vachitoona asi vasingakwanise kutiza.

“Tose tikanonoka kupinda mumba zvekusvika husiku, kana kuma8, patinongopinda bedzi tinonzwa kuti mumba mune vanhu vachitoburuka kubva pamubhedha kana kufamba-famba nekufema asi tisingavaone,” anodaro Orlinda.

Olinda anoenderera mberi: “Unoyamwiwa mazamu zvakasimba kusvika asisa seunoyamwisa mwana mucheche. Zvadaro, dambudziko raunosangana naro kurwadziwa nemudumbu – zvikuru pasi peguvhu.

“Tinotaurirana, vose vanasikana vedzinza redu hakuna asina dambudziko iri.”

Tarisai anotiwo ane chinhu chaanonzwa chinomufamba kumusana nemumusoro, icho chinonzi chikapedza kumunanaira anotanga kuita dzungu, otadza kuziva zvaari kwenguva refu.

“Vanakomana vemudzinza redu hazvivabate, zvinobata isu vanasikana bedzi. Tinosemwa nevarume kunyangwe ukamboedza kugezawo zvakadii. Pakurambwa, murume anongouya achikuti ubude mumba, zvotopera,” anodaro Tarisai.

Kune vanoda kubatsira mhuri iyi vanoridza nhare panhamba dzinoti 0774 789 867 kana 0775 710 371 votaura navo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey