Uncategorized

Vakakumba mibairo yeVaseline

07 Oct, 2016 - 00:10 0 Views
Vakakumba mibairo yeVaseline

Kwayedza

AKANGE ari makuwerere svondo rapera kumakwikwi ekambani yeUnilever eVaseline Winter Warmer Promotion muHarare apo veruzhinji vakahwapura mibairo inosanganisira mari inosvika $1 000 pamunhu.

Makwikwi aya ndeechishanu achiitwa uye mimwe mibairo yaisanganisira zvipfeko nezvekushandisa mudzimba.

Vachitaura pachiitiko ichi, mukuru weUnilever muZimbabwe, VaHilary Muzondiwa, vanoti kambani yavo inokoshesa kodzero nezvido zvevatengi.

“Makwikwi aya takaaitira vatengi vedu nekuona kukosha kwavakatiitira.

‘‘Hapana chikiribidi chatinoita mumakwikwi akaita seaya naizvozvo vatengi vose tinovapa mikana yakaenzana yekupinda sezvo iri kodzero yavo,” vanodaro.

Kambani yavo, vanodaro VaMuzondiwa, inokoshesa vatengi pazvinhu zvose nekuti ndivo vanovatsigira kuti bhizimusi ravo risumukire.

“Vazhinji vanozvitora kunge zvinhu zvisingaitike, kuti munhu anohwinha mari mazana nemazana nekungotenga mafuta chete. Asi nhasi tiri kuona mucherechedzo wazvo nekupinda mumakwikwi akadai,” vanodaro VaMuzondiwa.

Vanoti kambani yavo ine tarisiro yekuvandudza makwikwi aya gore rinouya kuitira kuti ave emhando yepamusoro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey