Uncategorized

Vakanwa mvura yakafira zinyoka

07 Oct, 2016 - 00:10 0 Views
Vakanwa mvura yakafira zinyoka

Kwayedza

VAGARI vekuCaledonia, muHarare, vanonzi vakanwa mvura yaive yafira pamwe nekuworera zinyoka rerudzi rwemhungu iyo yakange yapinda mukasipiti kavanochera mvura. Mukubuda kwenyaya iyi, zvinonzi nyoka yakapinda mukasipiti kanocherwa mvura ndokufira mukati uye vanhu vakazongoona mvura yobuda iine zvidimbu zvenyoka iyi.

Mumwe mugari wemunzvimbo iyi, Mai Esther Nhakwi, vanoti hapana kumwe kwavanowana mvura yekushandisa kunze kwepakasipiti aka.

“Ini ndava nemakore matatu ndichigara muno tichingonwa mvura yemukasipiti aka iyo yakachena kudarika yekanzuru. Haina kana chipomerwa. Zvakazoitika ndezvekuti mvura iyi yakatanga kubuda nezvidimbu zvenyoka asi vanhu taingochera tichinwa,” vanodaro.

“Vamwe vanhu vanoti nyoka iyi imhungu. Nzvimbo ino yatiri yaimbove komboni uye tinonzwa kuti murungu aigara pano aichengeta nyoka, zvakarewo mhungu ndidzo dzatinoona zvakanyanya.”

Vanoti pakafira nyoka mukasipiti aka, mvura yavainwa yakange isina kana kamunhuwi kavainzwa kunze kwekuona zvidumbi zvayo chete.

Kasipiti aka, vanodaro Mai Nhakwi, kari pedyo nesuweji iyo inongoyerera uye havazivi kwainobva asi hapana zvavangaite sezvo vasina kumwe kwavanokwanisa kuwana mvura yakachena.

“Mukasipiti ak makafira nyoka ikawora. Zvamunoona kudai, vanhu tinodya nyoka nekusaziva. Vanhu vemuno vose vakatoidya nekuti vakanwa mvura yakafira nyoka.

“Pamuromo wekasipiti aka paive nepombi hombe iyo yakazobviswa pakaonekwa paine masahwa,” vanodaro Mai Nhakwi.

Zvisinei, vanoti vakazogadziridza nzvimbo yavanochera mvura iyi kuitira kuti ive yakachengetedzeka uye paine hutsanana.

Mai Julia Mpala vemunzvimbo imwe cheteyo vanotiwo: “Taitochera mvura tichinwa apo taiona zvidimbu zvenyoka zvaibuda.”

VaLameck Wazeza (68) vanoti vakanwa mvura yakafira nyoka iyi nekuti hakuna kumwe kwavanokwanisa kuwana mvuya yakachena.

“Mvura takanwa, tinongonwa ko tingadii? Ndizvo zviripo. Asi sevanhu venharaunda, takachenesa nzvimbo iyi tichiburitsa zvidimbu zvenyoka iyi,” vanodaro.

Kunze kwekushaya mvura yakachena yekushandisa, vagari vemunzvimbo iyi vanoti vakatarisana nemamwe matambudziko anosanganisira kusavepo kwezvikoro izvo zvinoita kuti vana vavo vafambe mutunhu murefu kuenda kunodzidza kuMabvuku kana Tafara.

Rimwe dambudziko zvakare ndere kushaikwa kwemakiriki kana zvipatara kuCaledonia.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey