Uncategorized

Vakaremara voti voshungurudzwa

06 Jan, 2022 - 09:01 0 Views
Vakaremara voti  voshungurudzwa Agnes Chindimba

Kwayedza

Abel Ndooka

SANGANO reDeaf Women Included rinoti zvakakosha kuchengetedza kodzero dzevanhukadzi vakaremara panguva ino yekurwisa chirwere cheCovid-19 sezvo vamwe vavo vari kushungurudzwa nenzira dzakasiyana.

Mai Agnes Chindimba vanove executive director wesangano iri vanoti kuuya kweCovid-19 kwaona nyaya dzemhirizhonga dzichiwanda kumadzimai nevanasikana vakaremara, zvikuru panguva yelockdown apo vanenge vagere kudzimba.

Vanoti nekuda kwekutambura, nzara uye nehurombo, vanhu vakaremara vakawanda vari panyatwa yekusangana nekushungurudzwa.

“Nyaya dzekushungurudzwa kwevanhu vakaremarara – kunyanya madzimai nevanasikana – dzakawedzera zvichitevera kuuya kwechirwere cheCovid-19, zvikuru panguva yelockdown. Tinogona zvedu tichitaura huipi hweCovid-19, asi matambudziko ayakaunza makuru kuupenyu hwevanhu.

“Chatakaona chakawedzera nyaya dzemhirizhonga idzi ndechekuti vanhu vaiswera vakavharirana mudzimba vari vose nguva dzose. Saka vamwe vaisvika pakushungurudzwa panyama nemupfungwa uye vamwe vachipihwa pamuviri sezvo pange pasina nzira dzekudzivirira kubata mimba.

“Saka isu tinoshuvira kuti pave nekusimbaradzwa kwemitemo inoranga vanobatwa nemhosva dzekushungurudza vanhu vakaremara,” vanodaro Mai Chindimba.

Vanoti vanhu vakaremarara vazhinji vanoraramiswa nekutengesa pamisika saka kana vakanzi vagare kudzimba panguva yelockdown vanoomerwa neupenyu sezvo vasina dzimwe nzira dzekuti vararame nadzo.

“Dambudziko guru riri kusangana nevanhu vakaremara inhamo nenzara saka vamwe vanhu vanozoshandisa nhamo iyi nenzara kuti vavashungurudze.

“Iye zvino tinogona kungotaura nezveCovid-19 asi kune zvimwe zvirwere zvakawanda zviri kushungurudza vanhu vakaremara zvakadai seBP, shuga neHIV. Saka kana vasingakwanise kuzvitengera chikafu chaicho, mishonga yezvirwere izvi havatombokwanise kuiwana nekudaro utano hwavo hunokanganisika zvichivaisa panjodzi yekutapurirwa chirwere cheCovid-19,” vanodaro Mai Chindimba.

Zvakadai, Hurumende ine zvirongwa zvekubatsira vanhu vakaremara kusanganisira kuvapa zvinovakwanira sechikafu kuburikidza nebazi reSocial Welfare.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey