Uncategorized

Vakarova ‘small-house’ nechamboko chewaya

16 Dec, 2016 - 00:12 0 Views

Kwayedza

Trymore Muvhawa—

PANE mukadzi akarikitwa nechamboko chewaya nemumwe mudzimai uyo aibatsirwa nevana vake apo vaimupomera mhosva yekuvatorera baba vemusha.Rudairo Ngarande akaendesa muvakidzani wake, Silvia Magayo, nevana vake Barnabas naNancy kudare reHarare Civil Court achiti vari kumuonesa pfumvu.

“Mambo wangu, ndakarohwa nechamboko chewaya kumusana. Izvozvi angori mavanga chete musana wose.

“Amai ava vakandikutsirana nevana vavo vachindipomera mhosva yekuti ndakatora murume waSilvia,” akadaro.

Akati Silvia anomupomerazve mhosva yekuti ndiye akasunga murume wake nemushonga werunyoka.

“Silvia anonditi ndini ndakasunga murume wake nhengo yake kuti isashande kwemakore maviri adarika. Asi anenge achindinyepera kunyangwe zvazvo ndichidanana naye.

“Anobatsirana nevana vake kunditukirira vachiti vanoda kundiuraya, aitoti gore rino rikapera inyasha dzaMwari,” akadaro Ngarande.

Akati akambomhan’ara nyaya iyi kumapurisa vakati vaende vanotaurirana asi hazvina kubatsira.

“Kutaura kuno murume wacho vakatomurova, ari muchipatara asi hatisati tarambana sezvavari kuda kuti tiite. Asi ndinoda hangu kuti tirambane pane kugarorohwa kana kuti kutyisidzirwa nerufu.”

Achipawo divi rake, Silvia akaudza dare kuti vakarwa naNgarande nenyaya yekuti anodanana nemurume wake.

“Mambo wangu, handina kurova mukadzi uyu asi kuti takarwa mushure mekunge muzukuru wangu anditaurira kuti anoona sekuru vake vachibuda pamba pake iye Ngarande. Murume wangu anga ava netsika yekuuya kumba pakati pohusiku kana kusatouya zvachose. Ndipo paaizoonekwa nemuzukuru wedu achibuda ipapo nekuti ndiyo nzira yake yekuenda nayo kuchikoro,” akadaro.

Akaenderera mberi achiti: “Handipikisane nechikumbiro chake asi kuti iye ngaasiyane nemurume wangu.”

Nancy akati akange asipo pakatanga kurwisana amai vake naNgarande.

“Ini ndakatodaidzwawo nevakaona vaviri ava vachirwa zvichinzi amai vako vari kurohwa. Zvekuti ndakamurova, ndinoti kwete,” akadaro Nancy.

Banarbas haana kuenda kudare.

Mutongi Yeukai Dzuda akapa gwaro rerunyararo kuna Ngarande.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey