Uncategorized

Vakatengeswa nebhegi raive nenyama

28 Aug, 2015 - 00:08 0 Views

Kwayedza

VARUME vaviri vekuChitungwiza vekuba mbudzi mbiri kuBeatrice vakaigochera pautsi apo vakazodonhedza nharembozha nebhegi raive nenyama pavaitiza munhu wavakange vabira izvo zvakaita kuti varondwe ndokubatwa.

Mutongi wedare reChitungwiza Magistrate’s Courts, Renika Dzikiti, akapa Masimba Jemwa (37) wepanhamba 847 St Mary’s, kuChitungwiza, chirango chekugara mujeri kwemazuva 130 kana kubhadhara faindi ye$100 mushure mekumubata nemhosva yekuba mbudzi.

Akazomubvisira mazuva 60 pachirango ichi paine chitsidzo chekuti haafanire kuparazve mhosva yerudzi urwu mumakore mashanu anotevera.

Muchuchisi Ntombikayise Nleya akaudza dare kuti nemusi wa13 Nyamavhuvhu gore rino, Jemwa neimwe shamwari yake isati yabatwa vakaruka zano rekunoba mbudzi dzaChingwaru idzo akange arara akasungirira mazumbu rehuku.

Akati vaviri ava vakaenda kunoba mbudzi mbiri idzo dzaive hono nehadzi vachibva vadziuraya ndokutakura nyama yacho iri mumasaga.

Chingwaru paakazomuka ave mangwana acho akaona kuti mbudzi dzake dzakange dzabiwa akabva aronda matsimba embavha idzi kusvika azoita mahwekwe navo.

Vasungwa ava pavakaona muridzi wembudzi achitevera, vakabva vakanda pasi saga raive nenyama, nharembozha yerudzi rweYXTEL yaive nemutsetse weBuddie une nhamba dzinoti 0773 812 834, bhegi dema nebanga rerudzi rweOkapi.

Chinhwaru akazoenda kunoona mudzimai waJemwa uyo akatsinhira kuti zvinhu zvainge zvadonhedzwa pamwe nenyama yembudzi yekuba zvaive zvemurume wake.

Jemwa haana kuramba mhosva yaaipomerwa iyi mudare achiti hurombo ndihwo hwakavatuma kuba mbudzi idzi sezvo vaida kutengesa nyama yacho kuti vagowana mari.

Nharembozha pamwe nezvimwe zvinhu zvavakadonhedza zvakaburitswa mudare seumboo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey