Uncategorized

Vakawanda vari kupona

25 Jan, 2022 - 08:01 0 Views
Vakawanda vari kupona

Kwayedza

Angela Sibanda

VARWERE vakawanda vari kupona kubva kuchirwere cheCovid-19 izvo zviri kuita kuti pave netariro huru yekugadzikana kwemamiriro ezvinhu maringe nedenda iri uye zvichiitawo kuti zvikoro zvichizokwanisa kuvhurwa.

Kubva nemusi weChitatu svondo rapera, huwandu hwevari kupona kuchirwere ichi huri pachikamu che93 percent.

Nemusi weSvondo wadarika pamberi (9 Ndira) huwandu uhu hwaive pa87 percent.

Asi nemusi wa1 Zvita hwainge hwava pa96 percent husati hwadzikira apo hutachiona hwemhando yeOmicron hwakange hwonyanya kupararira.

Huwandu hwevarwere vapona kubva kudenda iri kubva musi uyu hwaidzikira zuva nezuva kusvika nemusi wa17 Zvita apo hwaive 71 percnt.

Pari zvino, huwandu hwevanhu vari kubatwa neCovid-19 huri kuenda huchidzikira uye vakawanda vevarwere vari kupona kubva kuhutachiona hweOmicron variant uho hwakanyanya kupararira panguva yezororo reKirisimasi neGoredzva.

Svondo rapera, vakafanobata chigaro chemutungamiriri wenyika Acting President Dr Constantino Chiwenga, avo vanove zvakare gurukota rezveutano nekurerwa kwevana vakawedzera matanho ekurwisa kupararira kweCovid-19 (lockdown) nemamwe masvondo maviri.

Zvikoro zvakapihwa svondo rimwe chete rekugadzirira kuti zvivhurwe mushure mekupera kwenguva yakatarwa yekuwedzerwa kwematanho aya, asi zvichienderanawo nemamiriro anenge akaita zvinhu maringe nechirwere ichi.

Mutevedzeri wegurukota rezveutano nekurerwa kwevana, Dr John Mangwiro, vanoti kuwanda kwevarwere vari kupona kubva kuCovid-19 mucherechedzo wekuti zvinhu zviri kudzikama.

“Vanhu vari kuterera zviri kutaurwa neHurumende, vari kutevedzera zviri kutaurwa neHurumende, vari kupfeka mamasiki uye kubaiwa majekiseni kana kuti nhomba.

“Vanhu vakawanda vari kubaiwa nhomba, unove mucherechedzo wakanaka wekuti zvinhu zvichanaka,” vanodaro Dr Mangwiro.

Kusvika nemusi weSvondo, vanhu 4 242 371 vange vabaiwa nhomba yekutanga (1st dose) yekudzivirira Covid-19 apo 3 270 260 vange vabaiwa dzose dziri mbiri.

Vamwe 42 773 vange vabaiwa nhomba yechitatu (bootser).

Kusvika nemusi uyu zvakare, vanhu 228 254 vange vawanikwa vaine denda iri mushure mekuvhenekwa kubvira pakatanga chirwere ichi munaKurume 2020.

Pavarwere ava, 213 299 vakatopona asi vamwe 5 294 vakafa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey