Uncategorized

‘Vakwegura ngavarege kutera’

04 Nov, 2016 - 00:11 0 Views

Kwayedza

MUMWE kanzura wekumaruwa ekwaSeke, kuManyame, ari kushingairira kuti vakwegura vemudunhu iri varege kubhadhara mitero senzira yekuvaremekedza, vazhinji vacho vanonzi havachakwanisa kuzviriritira.Kanzura Masimba Rubatika vekuMandedza Ward 2, kuDema, vakataura mashoko aya pamusangano wavakaita nguva pfupi yadarika mubhuku raRubatika uyo wakapindwa nemasabhuku nevagari vemunharaunda.

“Handione zviine rukudzo neruremekedzo kuti vanasekuru vedu nanagogo nemadzibaba edu vapote vachibhadhara mitero nekuda kwemakore avo aenda. Kana zera ravo pasi pemutemo vachinzi vanenge vasvika panguva yemudyandigere, ngatiitei kuti vasave nemitero yavanobhadhara muno,” vanodaro.

Vanoti vazhinji vevakwegura ava havana kwavanowana mari sezvo vachiriritirwa nevana kana nevazukuru vavo. “Zvingaite here kuti mari yatinenge tavapa isu sevana voikamura zvakare vachiendesa kumitero?” vanodaro kanzura Rubatika.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey